Isaya 45:1-7
Isaya 45:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabata kuti akunde ndudzi pamberi pake, uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo, kuti ndizarure mikova pamberi pake, masuo agorega kupfigwa: Ndichaenda mberi kwako uye ndichaenzanisa makomo; ndichaputsa masuo endarira uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi. Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, anokudana nezita rako. Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsraeri musanangurwa wangu, ndinokudana nezita rako, uye ndinoisa pamusoro pako zita rokukudzwa, kunyange iwe usingandizivi. Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe; kunze kwangu ini hakuna Mwari. Ndichakusimbisa, kunyange usina kundiziva, kuti kubva kumabudazuva kusvikira kwarinovirira, vanhu vazive kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Jehovha uye hakuna mumwe. Ndinoumba chiedza uye ndinosika rima, ndinoita rugare uye ndinosika njodzi; ini Jehovha, ndini ndinoita zvinhu izvi zvose.
Isaya 45:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire misuo pamberi pake, namasuo arege kuzarirwa. “Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa misuo yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama; ndichakupa pfuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsiraeri, anokudana nezita rako. Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsiraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyange wakanga usingandizivi. Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva; kuti vazive kubva kumabvazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe. Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, anoita zvinhu izvi zvose.
Isaya 45:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi ari kutaurira muzodzwa wake Sairasi wandakabatana ruoko rwerudyi zvokuti ndinofanokurira marudzi avanhu mberi kwake nokushayisa madzimambo simba nokufanozarura makonhi mberi kwake kuitira kuti misuo mikuru irege kupfigwa achiti, “Ndichafanoenda mberi kwako ndichifanoita kuti nzvimbo dzakatunhumara dziti chechetere, ndichipaza kuti mwarara makonhi endarira ndichidimura zvihuri zvesimbi. Ndichakupa upfumi hwomurima hwakavigwa munzvimbo dzechivande kuti uzive kuti ini ndini Tenzi Mwari weIsiraeri ari kukudoma nezita. Chandiri kuitira muranda wangu Jakobho, naIsiraeri wandakasarudza. Ndinokudoma nezita ndichikudaidza nezita redzinza rako kunyange zvako usingandizivi. Ndini Tenzi hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari kunze kwangu anokupa simba ndini kunyange usingandizivi kuitira kuti kubvira kumabuda zuva kusvikira kumadokero vanhu vagoziva kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Tenzi hakuna mumwe. Ndini ndinoita kuti chiedza chivepo ndichisikawo rima. Ndini ndinoita kuti kuve nokugarika. Ndini ndinounza pfumvu. Ndini iyeni Tenzi ndinoita zvinhu zvese izvozvi.
Isaya 45:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova kumuzodzwa wake, kunaKoreshi, wandakaɓata ruʋoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi aʋanhu pamberi pake, ndicisunuŋgura ɀiʋuno ɀamadzimambo, ndimuzarurire mikoʋa pamberi pake, namasuʋo arege kuzarirwa: Ini ndicaenda pamberi pako, ndicienzanisa pasina‐kuenzana; ndicaputsaputsa mikoʋa yendarira, nokuguragura mipfigo yendarama; ndicakupa fuma iri murima, noʋufumi bgakaʋanzwa panɀimbo dzisiŋgazikanwi, kuti uziʋe kuti ndini Jehova, Mŋari waIsraeri, unokuɗana nezita rako. Nokuɗa kwaJakobo muranda waŋgu, nokwaIsraeri musanaŋgurwa waŋgu, ndakakuɗana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyaŋge wakaŋga usiŋgandiziʋi. Ndini Jehova, hakunomumŋe; kunze kwaŋgu hakunomumŋe Mŋari. Ndicakusuŋga ciʋuno kunyaŋge usina‐kundiziʋa; kuti ʋaziʋe kubva kumaɓuɗazuʋa nokumaʋirazuʋa, kuti hakunomumŋe kunze kwaŋgu; ndini Jehova, hakunomumŋe. Ndini ndinoʋumba ciedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehova, unoita ɀinhu iɀi ɀose.
Isaya 45:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)