Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 3:1-19

VaHebheru 3:1-19 SCLB

Naizvozvo, imi hama varurami, vechikwata chavakadaidzirwa denga, chimbofungai nezvaJesu, mupositori nomupristi mukuru wechitendero chedu. Aiva munhu wakatendeka kuna iye wakamusarudza; sokutendekawo kwakanga kwakaita Mosesi mumba maMwari. Asi Jesu akakodzera kukudzwa kupinda Mosesi sezvinoitwa muvaki wemba; anokudzwa kupinda imba. Nokuti imba ipi neipi ine wakaivaka asi muvaki wezvinhu zvose ndiMwari. Zvino Mosesi, somuranda akanga akatendeseka muimba yose yaMwari, achipa uchapupu hwezvinhu zvakanga zvichazotaurwa. Asi Kristu, iye mukuru wemba yaMwari akatendeseka somwana. Ndisu iyesu imba yake, chero tikaramba tichingovimba chete, nokudada nechitarisiro chedu. Naizvozvo sokutaura kwaMweya Mutsvene anoti: “Nhasi kana monzwa izwi rake, musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya, pazuva riya rokuedzwa murenje, madzibaba enyu pavakandiedza, asi ivo vakaona mabasa angu kwamakore makumi mana. Naizvozvo ndakashatiriswa nechizvarwa ichocho; ndikazoti vanogarokanganisa mumwoyo yavo. Havasati vamboziva nzira dzangu. Sokupika kwandakaita ndakashatirwa, havachazombopinda muzororo rangu.” Chenjerai, hama dzangu, kuti munaani–nani wenyu murege kuva nemwoyo wakaipa usingatendi, ungadaro ukamutsautsa muna Mwari mupenyu. Asi kurudziranai mumwe nomumwe mazuva ose kana chete kuchiri kunzi, “Nhasi” kuti kusave nomumwe wenyu anoomeswa mwoyo nounyengedzi hwechivi. Nokuti tinogoverana muna Kristu, chero chete tikaramba takabata zvakasimba ruvimbo rwedu rwapakutanga, kusvika pakupedzisira. Zvazvinonzi: “Nhasi kana monzwa izwi rake musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya.” Ndavanani vakazvinzwa asi vakazopanduka, handiti ndivo here vaya vakabva kuIjipiti vachitungamirirwa naMosesi? Ndivanani vakamutsamwisa pamakumi mana amakore? Havasi ivo here vaya vakaita zvivi, zvitunha zvavo zvikazoti rakata murenje. Ko akapika kuna vanaani kuti havasi kuzombopinda muzororo rake asi kuna ivavo vakanga vasingateereri. Naizvozvo tinoona kuti havana kukwanisa kupinda nemhaka yokusadavira.

Verenga chikamu VaHebheru 3