Naizvozvo, hama tsvene, vagoverani neni pakudanwa kunobva kudenga, fungai zvakanaka Mupostori noMupristi mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu, akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMosesiwo mumhuri yake yose.
Nokuti uyu akanzi akafanira kukudzwa kupfuura Mosesi, muvaki weimba wezvaanokudzwa kupfuura imba; nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, akavaka zvose, ndiye Mwari. Zvino Mosesi akanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvaifanira kuzotaurwa, asi Kristu soMwanakomana, akaiswa pamusoro pemhuri yake; iye, tiri mhuri yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo. Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti,
“Nhasi, kana muchinzwa izwi rake,
Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa,
Napazuva rokuedzwa murenje;
Pandakaedzwa namadzibaba enyu vachindinetsa,
Vakaona mabasa angu makore ana makumi mana.
Naizvozvo ndakanzwa shungu pamusoro porudzi urwu,
Ndikati, ‘Vanogara vachitsauka pamwoyo yavo;
Asi havana kuziva nzira dzangu;’
Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati,
‘Havangapindi pazororo rangu.’ ”
Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu, asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchanzi, “Nhasi;” kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi. Nokuti tava vagoverani pamwechete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma; zvichinzi,
“Nhasi, kana muchinzwa izwi rake,
Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa.”
Nokuti ndivanaani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Ijipiti naMosesi here? Akanzwa shungu makore ana makumi mana pamusoro pavanaani? Havazi ivo vakatadza, mitumbi yavo ikawira murenje here? Akapika pamusoro pavanaani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kuteerera here?
Zvino tinoona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.