VaHebheru 3:1-19
VaHebheru 3:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake. Akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMozisi akanga akatendeka muimba yose yaMwari. Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho. Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose. Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera. Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo. Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira, panguva yokuedzwa murenje, mandakaedzwa namadzibaba enyu uye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita. Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo, uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka, havana kuziva nzira dzangu.’ “Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati, “ ‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ” Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu. Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi. Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma. Sezvazvakataurwa zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira.” Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti? Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje? Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera? Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.
VaHebheru 3:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo, hama tsvene, vagoverani neni pakudanwa kunobva kudenga, fungai zvakanaka Mupostori noMupristi mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu, akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMosesiwo mumhuri yake yose. Nokuti uyu akanzi akafanira kukudzwa kupfuura Mosesi, muvaki weimba wezvaanokudzwa kupfuura imba; nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, akavaka zvose, ndiye Mwari. Zvino Mosesi akanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvaifanira kuzotaurwa, asi Kristu soMwanakomana, akaiswa pamusoro pemhuri yake; iye, tiri mhuri yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo. Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti, “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa, Napazuva rokuedzwa murenje; Pandakaedzwa namadzibaba enyu vachindinetsa, Vakaona mabasa angu makore ana makumi mana. Naizvozvo ndakanzwa shungu pamusoro porudzi urwu, Ndikati, ‘Vanogara vachitsauka pamwoyo yavo; Asi havana kuziva nzira dzangu;’ Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangapindi pazororo rangu.’ ” Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu, asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchanzi, “Nhasi;” kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi. Nokuti tava vagoverani pamwechete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma; zvichinzi, “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa.” Nokuti ndivanaani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Ijipiti naMosesi here? Akanzwa shungu makore ana makumi mana pamusoro pavanaani? Havazi ivo vakatadza, mitumbi yavo ikawira murenje here? Akapika pamusoro pavanaani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kuteerera here? Zvino tinoona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.
VaHebheru 3:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Naizvozvo, imi hama varurami, vechikwata chavakadaidzirwa denga, chimbofungai nezvaJesu, mupositori nomupristi mukuru wechitendero chedu. Aiva munhu wakatendeka kuna iye wakamusarudza; sokutendekawo kwakanga kwakaita Mosesi mumba maMwari. Asi Jesu akakodzera kukudzwa kupinda Mosesi sezvinoitwa muvaki wemba; anokudzwa kupinda imba. Nokuti imba ipi neipi ine wakaivaka asi muvaki wezvinhu zvose ndiMwari. Zvino Mosesi, somuranda akanga akatendeseka muimba yose yaMwari, achipa uchapupu hwezvinhu zvakanga zvichazotaurwa. Asi Kristu, iye mukuru wemba yaMwari akatendeseka somwana. Ndisu iyesu imba yake, chero tikaramba tichingovimba chete, nokudada nechitarisiro chedu. Naizvozvo sokutaura kwaMweya Mutsvene anoti: “Nhasi kana monzwa izwi rake, musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya, pazuva riya rokuedzwa murenje, madzibaba enyu pavakandiedza, asi ivo vakaona mabasa angu kwamakore makumi mana. Naizvozvo ndakashatiriswa nechizvarwa ichocho; ndikazoti vanogarokanganisa mumwoyo yavo. Havasati vamboziva nzira dzangu. Sokupika kwandakaita ndakashatirwa, havachazombopinda muzororo rangu.” Chenjerai, hama dzangu, kuti munaani–nani wenyu murege kuva nemwoyo wakaipa usingatendi, ungadaro ukamutsautsa muna Mwari mupenyu. Asi kurudziranai mumwe nomumwe mazuva ose kana chete kuchiri kunzi, “Nhasi” kuti kusave nomumwe wenyu anoomeswa mwoyo nounyengedzi hwechivi. Nokuti tinogoverana muna Kristu, chero chete tikaramba takabata zvakasimba ruvimbo rwedu rwapakutanga, kusvika pakupedzisira. Zvazvinonzi: “Nhasi kana monzwa izwi rake musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya.” Ndavanani vakazvinzwa asi vakazopanduka, handiti ndivo here vaya vakabva kuIjipiti vachitungamirirwa naMosesi? Ndivanani vakamutsamwisa pamakumi mana amakore? Havasi ivo here vaya vakaita zvivi, zvitunha zvavo zvikazoti rakata murenje. Ko akapika kuna vanaani kuti havasi kuzombopinda muzororo rake asi kuna ivavo vakanga vasingateereri. Naizvozvo tinoona kuti havana kukwanisa kupinda nemhaka yokusadavira.
VaHebheru 3:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

VaHebheru 3:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo, hama tȿene, ʋagoʋerani neni pakuɗanwa kunobva kuɗeŋga, fuŋgai ɀakanaka Muapostora noMuprista mukuru wokupupura kweɗu, iye Jesu, wakaŋga akatendeka kunaiye wakamugadza, saMosesi ʋo muimba yake yose. Nokuti uyu wakanzi wakafanira kukudzwa kupfuʋura Mosesi, muʋaki weimba seɀaanokudzwa kupfuʋura imba; nokuti imba imŋe neimŋe inoʋakwa nomunhu, asi iye, wakaʋaka ɀose, ndiye Mŋari. Ɀino Mosesi wakaŋga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti aʋe capupu ceɀinhu ɀaifanira kuzotaurwa, asi Kristu soMŋanakomana, wakaiswa pamsoro peimba yake; iye, tiri imba yake isu, kana tikaɓatisisa kuȿika pakuguma kusatya kweɗu netariro yatinoɀirumbidza pamsoro payo. Naiɀoɀo, seɀinotaura Mŋeya Mutȿene, aciti: Nhasi, kana mucinzwa inzwi rake, Musawomesa mŋoyo yenyu, sapaŋguʋa yokutsamŋisa, Napazuʋa rokuidzwa murenje; Pandakaidzwa namadziɓaɓa enyu, ʋacindinetsa, Ʋakaʋona maɓasa aŋgu makore anamakumi manna. Naiɀoɀo ndakanzwa shuŋgu pamsoro porudzi urwu, Ndikati: Ʋanogara ʋacitsauka pamŋoyo yaʋo; Asi haʋana‐kuziʋa nzira dzaŋgu; Naiɀoɀo ndakapika pakutsamŋa kwaŋgu, ndikati: Haʋaŋgapindi pazororo raŋgu. Hama dzaŋgu, cenjerai kuti mukati momumŋe wenyu murege kuʋa nomŋoyo wakashata usiŋgatendi, mutsauke mucibʋa kunaMŋari mupenyu, asi simbisanai zuʋa rimŋe nerimŋe, kana kucanzi Nhasi; kuti kurege kuʋa nomumŋe wenyu unowomeswa nokunyeŋgera kweɀiʋi. Nokuti taʋa ʋagoʋerani pamŋe cete naKristu, kana ticiɓatisisa kuʋamba kwokutenda kweɗu kuȿikira pakuguma; ɀicinzi: Nhasi, kana mucinzwa inzwi rake, Musawomesa mŋoyo yenyu, sapaŋguʋa yokutsamŋisa. Nokuti ndiʋanani ʋakanzwa, ʋakamutsamŋisa? Haʋazi iʋo ʋose ʋakabva Egipita naMosesi here? Wakanzwa shuŋgu makore anamakumi manna pamsoro paʋanani? Haʋazi iʋo ʋakatadza, mitumbu yaʋo ikawira murenje here? Wakapika pamsoro paʋanani kuti haʋaŋgapindi pazororo rake? Haʋazi iʋo ʋasina‐kuterera here? Ɀino tinoʋona kuti ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kupinda nokusatenda kwaʋo.