Rambai muchingodana sehama nehama. Musarege kugamuchira vaenzi zvakanaka nokuti nokuita izvozvo vamwe vakachengeta vatumwa vasingavazivi kuti vatumwa. Rangarirai vasungwa vari mujeri muite sokunge munavo mujeri uye navanenge vasiri kubatwa zvakanaka nokuti nemiwo muchiri mumuviri. Kuwanana ngakuremekedzwe pakati pavanhu vose uye bonde ravawanani ngarirege kusvibiswa nokuti Mwari achatonga pfambi navanoita upombwe. Usakarire mari. Gutsikana nezvaunazvo nokuti Mwari akati, “Handimbokushaisa chokubata kana kukusiya.” Naizvozvo tinogona kutaura nemwoyo wose tichiti, “Mwari ndiye muyamuri wangu. Handimbotyi munhu angandiitei?” Yeukai vatungamiri venyu vakakutaurirai shoko raMwari murangarire zvakaburwa muupenyu hwavo, mutevedzere chitendero chavo. Jesu Kristu ndiye mumwecheteyo nezuro nanhasi uno uye nokusingaperi. Musarasiswe nezvidzidziso zvakasiyana–siyana uye zvisingazivikanwi.
Verenga chikamu VaHebheru 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 13:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo