VaHebheru 13:1-8
VaHebheru 13:1-8 SNA2002
Rudo pakati pehama ngarugare. Musakanganwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi. Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwechete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imiwo. Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhoo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari achatongesa mhombwe navanofeva. Musakarira mari pamugariro wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene akati, “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” Naizvozvo tinotsunga mwoyo, tichiti, “Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?” Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo. Jesu Kristu anogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.

