VaHebheru 13
13
NHAMHIDZIRWA
Nzira dzokufadza nadzo Mwari
1Rambai muchingodana sehama nehama. 2Musarege kugamuchira vaenzi zvakanaka nokuti nokuita izvozvo vamwe vakachengeta vatumwa vasingavazivi kuti vatumwa. 3Rangarirai vasungwa vari mujeri muite sokunge munavo mujeri uye navanenge vasiri kubatwa zvakanaka nokuti nemiwo muchiri mumuviri.
4Kuwanana ngakuremekedzwe pakati pavanhu vose uye bonde ravawanani ngarirege kusvibiswa nokuti Mwari achatonga pfambi navanoita upombwe.
5Usakarire mari. Gutsikana nezvaunazvo nokuti Mwari akati, “Handimbokushaisa chokubata kana kukusiya.” 6Naizvozvo tinogona kutaura nemwoyo wose tichiti,
“Mwari ndiye muyamuri wangu.
Handimbotyi
munhu angandiitei?”
7Yeukai vatungamiri venyu vakakutaurirai shoko raMwari murangarire zvakaburwa muupenyu hwavo, mutevedzere chitendero chavo. Jesu Kristu ndiye mumwecheteyo nezuro nanhasi uno uye nokusingaperi. 8Musarasiswe nezvidzidziso zvakasiyana–siyana uye zvisingazivikanwi. 9Chinhu chakanaka kusimbiswa mwoyo nenyasha kwete nemitemo yezvokudya isina kumbobatsira vanoichengeta. 10Isu tine atari yedu. Saka avo vanoshanda mutendhe inoera havana mvumo yokudya zvapaatari iyoyo. 11Mitumbi yemhuka dzine ropa raiunzwa nomupristi mukuru muNzvimbo Inoera yaipiswa kunze kwomusasa wamatendhe sechibayiro chokupfupira zvitadzo. 12Saizvozvo Jesu akatambudzikawo kunze kweguta kuti aruramise vanhu neropa rake. 13Naizvozvo ngatiendei kwaari kunze kwomusasa tindotakurawo kuzvidzwa kwake 14nokuti pasi pano hatina guta rinogara nokusingaperi asi tinotsvaga guta richauya. 15Ngatirambei tichingopira nokwaari chibayiro chokurumbidza Mwari. Ndiwo muchero womuromo unopupura nezvezita rake. 16Usakanganwe kuita zvinhu zvakanaka uye kugoverana navamwe zvaunazvo nokuti zvibayiro zvakadaro zvinofadza Mwari.
17Teererai vatungamiriri venyu muchizviisa pasi pavo nokuti vari kufudza mweya yenyu savanhu vachazozvidavirira kana vobvunzwa. Regai vaite izvi vachifara, kwete vakasuwa nokuti hazvina zvazvinokubatsirai. 18Tinamatireiwo nokuti tine chokwadi chokuti hana dzedu dzakachena. Tine mwoyo unoda kuita zvinhu zvose nemazvo. 19Ndinokukumbirisai nemwoyo wose kuti muite izvi kuti ndidzorerwe kwamuri nokuchimbidza.
Munamato wokupedzisa
20Iye Mwari worugare akamutsa Tenzi wedu Jesu kuvakafa akava mufudzi mukuru wehwai pamusana peropa rechitenderano chinogara nokusingaperi. 21Ngaakurongedzerei nezvose zvakanaka kuti mukwanise kuita kuda kwake achiita zvaanoda mamuri nokuna Jesu Kristu. Iye Kristu ngaarumbidzwe narini narini. Ameni.
Mazwi okuzarira
22Ndinokukumbirisai hama dzangu kuti mungotirirawo zvenyu mashoko angu okukurudzira nokuti ndanyora kwamuri muchidimu dimu chete. 23Ndingade kuti muzive kuti hama yedu Timoti yakasunungurwa. Ndiye wandichakuonai ndiinaye kana akurumidza kuuya. 24Ndikwazisirei vatungamiri venyu vose navanamati vose. Vanhu vokuItari vanokukwazisai. 25Chikomborero chenyasha ngachive nemi mose. Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 13: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.