Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 8:1-12

Mavambo 8:1-12 SCLB

Mwari akazorangarira Nowa nezvipenyu zvose nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo mungarava, saka Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute pasi pose mvura ikabva yava kuserera. Zvisipiti zviya zvapasipasi namahwindo edenga zvakamiswa kubudisa mvura, mvura yokunaya ikagasa, mvura ndokuramba ichiserera pasi pose. Kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yaingoserera. Zvino mumwedzi wechinomwe pamusi wegumi nechinomwe womwedzi iwoyo, ngarava yakagara pamakomo eArarati. Mvura yakaramba ichingoserera kusvikira pamwedzi wegumi. Zvino mumwedzi wegumi, pazuva rokutanga rawo, misoro yamakomo yakaonekwa. Kuzoti kwapera mazuva makumi mana, Nowa akazurura hwindo rengarava riya raakagadzira. Akatuma gunguo asi rakaramba richidzengerera zvaro kusvikira mvura yapwa panyika. Akazotumawo njiva achida kuziva kuti mvura yapwa here panyika. Asi njiva yakashaya pokumhara, ikadzokera kungarava nokuti mvura yakanga ichiripo panyika. Akaburitsa ruoko akaibata ndokuidzosera mungarava. Akagara mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya mungarava. Ava manheru njiva yacho yakadzokera kwaari yakaruma pamuromo wayo shizha nyoro romuorivhi richangobva mukutanhwa. Saka Nowa akaziva kuti mvura yapwa panyika. Akagara mamwe mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya, asi haina kuzodzokerazve kwaari.

Verenga chikamu Mavambo 8