Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 8:1-12

Genesi 8:1-12 SNA2002

Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera, namatsime apakadzika namawindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa, mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera. Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namanomwe romwedzi, areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati. Mvura ikaramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nomwedzi wegumi, nezuva rokutanga romwedzi misoro yamakomo ikaonekwa. Mazuva ana makumi mana akati apfuura, Noa akazarura windo reareka raakanga aita; akabudisa gunguo, iro rikaramba richibhururuka-bhururuka kusvikira mvura yapwa panyika. Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari, kuti aone kana mvura yaserera panyika; asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka. Ipapo akagara mamwe mazuva manomwezve, akabudisazve njiva paareka; njiva ikapinda kwaari madekwana; onei mumuromo mayo makanga muine rushizha rwomuorivhi rwakatanhwa; naizvozvo Noa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika. Akagarazve mazuva manomwe, akabudisazve njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari.

Verenga chikamu Genesi 8