Genesisi 8:1-12
Genesisi 8:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera. Zvino zvitubu zvepakadzika uye masuo amafashamu okudenga zvakanga zvazarirwa, uye mvura yakanga yaguma kunaya kubva kudenga. Mvura yakaserera zvishoma nezvishoma kubva panyika. Pakupera kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yakanga yadzika, uye pazuva regumi namanomwe romwedzi wechinomwe, areka yakagara pamakomo eArarati. Mvura yakaramba ichiserera kusvikira pamwedzi wegumi, uye pazuva rokutanga romwedzi wegumi misoro yamakomo yakatanga kuonekwa. Shure kwamazuva makumi mana, Noa akazarura windo raakanga aita muareka, uye akatuma gunguo, uye rakaramba richibhururuka kuno nokoko kusvikira mvura yapwa panyika. Ipapo akatuma njiva kuti aone kana mvura yakanga yaserera kubva pamusoro penyika. Asi njiva haina kuwana nzvimbo yokumhara nokuti mvura yakanga iri pose pose; saka yakadzokera kuna Noa muareka. Akatambanudza ruoko rwake akadzorera njiva muareka maaiva. Akarindira kwamamwezve mazuva manomwe uye akabudisazve njiva muareka. Njiva yakati yadzokera kwaari panguva yamanheru, onei heyo mumuromo mayo yakaruma shizha nyoro rakatanhwa pamuorivhi! Ipapo Noa akaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika. Akamirirazve kwamamwe mazuva manomwe uye akabudisazve njiva, asi panguva iyi haina kuzodzoka kwaari.
Genesisi 8:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera, namatsime apakadzika namawindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa, mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera. Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namanomwe romwedzi, areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati. Mvura ikaramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nomwedzi wegumi, nezuva rokutanga romwedzi misoro yamakomo ikaonekwa. Mazuva ana makumi mana akati apfuura, Noa akazarura windo reareka raakanga aita; akabudisa gunguo, iro rikaramba richibhururuka-bhururuka kusvikira mvura yapwa panyika. Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari, kuti aone kana mvura yaserera panyika; asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka. Ipapo akagara mamwe mazuva manomwezve, akabudisazve njiva paareka; njiva ikapinda kwaari madekwana; onei mumuromo mayo makanga muine rushizha rwomuorivhi rwakatanhwa; naizvozvo Noa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika. Akagarazve mazuva manomwe, akabudisazve njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari.
Genesisi 8:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akazorangarira Nowa nezvipenyu zvose nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo mungarava, saka Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute pasi pose mvura ikabva yava kuserera. Zvisipiti zviya zvapasipasi namahwindo edenga zvakamiswa kubudisa mvura, mvura yokunaya ikagasa, mvura ndokuramba ichiserera pasi pose. Kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yaingoserera. Zvino mumwedzi wechinomwe pamusi wegumi nechinomwe womwedzi iwoyo, ngarava yakagara pamakomo eArarati. Mvura yakaramba ichingoserera kusvikira pamwedzi wegumi. Zvino mumwedzi wegumi, pazuva rokutanga rawo, misoro yamakomo yakaonekwa. Kuzoti kwapera mazuva makumi mana, Nowa akazurura hwindo rengarava riya raakagadzira. Akatuma gunguo asi rakaramba richidzengerera zvaro kusvikira mvura yapwa panyika. Akazotumawo njiva achida kuziva kuti mvura yapwa here panyika. Asi njiva yakashaya pokumhara, ikadzokera kungarava nokuti mvura yakanga ichiripo panyika. Akaburitsa ruoko akaibata ndokuidzosera mungarava. Akagara mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya mungarava. Ava manheru njiva yacho yakadzokera kwaari yakaruma pamuromo wayo shizha nyoro romuorivhi richangobva mukutanhwa. Saka Nowa akaziva kuti mvura yapwa panyika. Akagara mamwe mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya, asi haina kuzodzokerazve kwaari.
Genesisi 8:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋari wakaraŋgarira Noa neɀipenyu ɀose, neɀipfuwo ɀose ɀakaŋga ɀiri muareka naye; Mŋari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera, namatsime apakadzika namawindi eɗeŋga akazarirwa, nemvura yakabva kuɗeŋga ikadziʋiswa, mvura ikaramba icidzoka panyika; mazuʋa anezana namakumi mashanu akati apfuʋura, mvura ikaɗerera. Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi namanomŋe romŋedzi, areka ikamira pamsoro pamakomo eArarati. Mvura ikaramba iciɗerera kuȿikira pamŋedzi wegumi; nomŋedzi wegumi, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi misoro yamakomo ikaʋonekwa. Mazuʋa anamakumi manna akati apfuʋura, Noa akazarura windi reareka raakaŋga aita; akaɓuɗisa guŋguʋu, iro rikaramba ricibururukabururuka kuȿikira mvura yapxa panyika. Ipapo akabururusa njiʋa paakaŋga ari, kuti aʋone kana mvura yaserera panyika; asi njiʋa haina‐kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakaŋga iri pamsoro penyika yose; akatambanudza ruʋoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka. Ipapo akagara mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe, akaɓuɗisa ɀe njiʋa paareka; njiʋa ikapinda kwaari maɗekwana; ʋonei mumuromo mayo makaŋga munorushizha rwomuorivi rwakatanhwa; naiɀoɀo Noa wakaziʋa kuti mvura yakaŋga yaserera panyika. Akagara ɀe mazuʋa manomŋe, akaɓuɗisa ɀe njiʋa; iyo haina‐kudzokera ɀe kwaari.
Genesisi 8:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)