Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 41:46-49

Mavambo 41:46-49 SCLB

Josefi akanga ava namakore makumi matatu nguva yaakapiwa basa naFarao mambo weIjipiti. Ndopaakandeya nenyika yose yeIjipiti. Pamakore manomwe emaguta nyika yakabereka mbesa zhinji kwazvo. Josefi akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe amaguta munyika yeIjipiti achiunganidza zvokudya izvo. Muguta rimwe nerimwe aitutira mbesa dzaikohwiwa muminda yakapoteredza guta racho iroro. Saizvozvo Josefi akaunganidza mbesanwa zhinji kwazvo, dzakawanda sejecha regungwa kusvikira arega zvokuverenga mbesanwa dzacho nokuti dzakanga dzawandisa.

Verenga chikamu Mavambo 41