Mavambo 41

41
Josefi anodudzira hope dzaFarao
1Kwakati kwapera makore maviri, Farao akarota hope dzake. Akarota amire muna Nairi, 2achiona mhou nomwe dzemombe dzakanaka, dzakakora dzichibuda murwizi, dzichindofura mutsanga. 3Akaonazve dzimwe mhou nomwe dzakaipa, dzakaonda dzichibudawo murwizi, dzikandomira paiva nedzimwe mhou dziya dzakanaka pamahombekombe erwizi. 4Mhou dzakaonda dzakadya mhou dzakakora. Farao ndokubva apepuka. 5Akavatazve, ndokurota dzimwe hope. Akaona hura nomwe dzekoroni dzakasvika dzakanaka dzaiva padzinde rimwechete. 6Akaona hura nomwe dzekoroni nhete dzakanga dzisina kusvika, dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva. 7Hura nhete dzakamedza hura dziya dzakasvika, Farao akapepuka, wanei kuti kwaiva kurota chete. 8Kuzoti kwaedza Farao akanetseka zvikuru. Akatuma vanhu kundodaidza n'anga dzose dzomuIjipiti navachenjeri vose. Akavarondedzera hope dzake, asi havana kugona kudzidudzira kuna Farao. 9Ipapo mukuru mukuru wokuona nezvewaini akataura kuna Farao achiti, “Nhasi uno ndayeuchidzwa kutadza kwangu. 10Handiti imi mambo makambotishatirirwa isu varanda venyu, ini nomukuru mukuru wevabiki, makatisunga tikaiswa mujeri, mumba yomukuru wavachengeti vokwamambo. 11Tose tiri vaviri takarota hope usiku humwechete. Hope dzomumwe nomumwe wedu dzaiva nezvedzaireva. 12Takanga tiine rimwe jaya rechiHebheru raiva muranda womukuru wavachengetedzi iyeyo. Takamurondedzera hope dzedu, iye akabva adudzira chiroto chimwe nechimwe. 13Zvose zvaakadudzira, ndizvo zvakazoitika kwatiri. Ini ndakadzorerwa pabasa rangu, mubiki akasungirirwa akafa.” 14Ipapo Farao akatuma munhu kundodaidza Josefi. Vakamukurumidzisa kubuda mujeri muya. Akaveura ndebvu dzake vakamupfekedza dzimwe hanzu, ndokuenda naye kuna Farao. 15Farao akataura kuna Josefi achiti, “Ndakarota hope, asi hakuna munhu agona kudzidudzira. Zvino ndanzwa nezvako zvichinzi kana munhu akakurondedzera hope dzake, iwe unogona kudzidudzira.” 16Josefi akapindura Farao achiti, “Kwete ini, changamire, asi Mwari ndiye angakupei dudziro chaiyo.”
17Farao ndokuti, “Ndakarota ndimire pamahombekombe aNairi, 18ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe dzakanaka, dzakakora dzichifura zvadzo mutsanga. 19Kwakazobudazve dzimwe mhou nomwe, dzakaondoroka, zvokusara dzava marangwanda chaiwo zvandisati ndamboona munyika yeIjipiti yose. 20Mhou dzakaondoroka dziye dzakadya mhou dzakakora dziya. 21Asi dzakasara dziya padzakadzidya hakuna aigona kuzviona kuti dzadya dzimwe nokuti dzakaramba dzakangoondoroka sapakutanga paya. Pakarepo ndakapepuka. 22Ndakarotazve ndichiona hura nomwe dzembesanwa dzaiva padzinde rimwechete dzine hura dzakasvika. 23Pakazobudawo dzimwe hura nomwe nhete dzisina kusvika dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva. 24Hura nhete dzakamedza hura nomwe dziya dzakanga dzakasvika. Ndakarondedzera kun'anga hope dzangu, asi hakuna kana imwechete yadzo yakagona kudzidudzira.”
25Ipapo Josefi akati kuna Farao, “Changamire, hope dzenyu dziri mbiri dziri kunanga chinhu chimwechete. Mwari akuratidzai imi Farao zvaava kuda kuita. 26Mhou nomwe dzakakora zvinoreva makore manomwe. Hura nomwe dzakasvika zvinorevawo makore manomwe. Hope dzacho dzinongova dzimwechetedzo. 27Mhou nomwe dziye dzakaondoroka dzakazogumisira kubuda nehura nomwe dzembesanwa dzakanga dzisina kusvika dziya, dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe emvemve yenzara huru. 28Ndizvo zvandambotaura wani kwamuri Farao, kuti Mwari akuratidzai zvaava kuda kuita. 29Kuri kuuya makore manomwe emaguta chaiwoiwo munyika yose yeIjipiti. 30Asi kuchazouyawo makore manomwe enzara huru zvokuti vanhu vachakanganwa makore ose emaguta nokuti nyika yose yeIjipiti ichaparara nenzara. 31Makore emaguta achakanganikwa nokuti nzara yacho ichanyanyisa kuipa. 32Chiroto chenyu chapamhidzwa ruviri nokuti Mwari ndizvo zvaatoronga. Iye Mwari achakurumidza kuzviita. 33Zvino imi dai mukasarudza munhu akangwara anoziva kunyatsoronga zvingaitwe, mumuite mukuru mukuru anotarisa zvomunyika yeIjipiti. 34Musarudzewo vamwe vatariri munyika ino. Pamasaga mashanu embesanwa, imi mambo mutore rechishanu mumakore manomwe emaguta. 35Ngavaunganidze zvokudya zvose zvamakore akanaka achauya, vazvitutire pamunenge mavarayira, vazvichengetere mumaguta mavanogara. 36Ndizvo zvichachengeterwa nyika ino kuitira makore manomwe enzara huru ichabaya nyika yeIjipiti, nyika irege kuparara nenzara.”
Josefi anoitwa mutongi weIjipiti
37Farao namakurukota ake ose vakafadzwa nezano raJosefi, vakaribvuma. 38Farao akataura namakurukota ake achiti, “Ndokupi kwatingawane munhu anokunda uyu Josefi ane mweya waMwari?” 39Farao akatiwo, kuna Josefi, “Mwari zvaadai kukuratidza izvozvo zvose, hapana munhu mumwe akangwara sewe angazive kunyatsoronga zvokuita. 40Ndiwe wava mutongi mukuru wezvapamuzinda wangu. Vanhu vangu vose vanosungirwa kuita sokutaura kwaunenge waita. Asi kana zvava zvoumambo ndipo poga pandiri mukuru kwauri.” 41Farao akataurirawo Josefi kuti, “Chionaka, ndakugadza kuti utonge nyika yose yeIjipiti.” Farao akabvisa mhete yake youmambo pamunwe wake akaipfekedza pamunwe waJosefi. 42Akamupfekedzawo hanzu dzerineni dzakanaka kwazvo nenyembe yecheni dzendarama muhuro make. 43Mambo akati Josefi akwire mungoro yechipiri youmambo. Mberi kwake kukagotungamidzwa vaidaidzira vachiti, “Gwadamai muchimuremekedza.” Ndiko kugadzwa kwakaitwa Josefi kuti atonge nyika yose yeIjipiti. 44Farao akatiwo kuna Josefi, “Ini ndini mambo munyika yose yeIjipiti. Hapana munhu achaita chinhu kunyange chipi zvacho asina kubvumirwa newe.” 45Farao akatumidza Josefi zita rokuti Zafenatipanea, akamupawo mukadzi ainzi Asinati, mwana waPotifera mupristi weguta reOni. Naizvozvo Josefi akabuda akafamba neIjipiti achiona. 46Josefi akanga ava namakore makumi matatu nguva yaakapiwa basa naFarao mambo weIjipiti. Ndopaakandeya nenyika yose yeIjipiti. 47Pamakore manomwe emaguta nyika yakabereka mbesa zhinji kwazvo. 48Josefi akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe amaguta munyika yeIjipiti achiunganidza zvokudya izvo. Muguta rimwe nerimwe aitutira mbesa dzaikohwiwa muminda yakapoteredza guta racho iroro. 49Saizvozvo Josefi akaunganidza mbesanwa zhinji kwazvo, dzakawanda sejecha regungwa kusvikira arega zvokuverenga mbesanwa dzacho nokuti dzakanga dzawandisa. 50Makore enzara asati asvika, Josefi akaita vana vakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati mwana waPotifera mupristi wokuOni. 51Josefi akatumidza mwana wake wedangwe zita rokuti Manase achiti, “Mwari andibatsira kukanganwa nhamo dzangu nemhuri yababa vangu yose.” 52Josefi akatumidza mwana wake wechipiri zita rokuti Efuremu, akati, “Mwari andipa vana ndiri munyika yenhamo yangu mandiri.” 53Makore manomwe emaguta muIjipiti akazopera. 54Makore manomwe enzara ndokubva atanga sezvakanga zvarehwa naJosefi. Panyika pose pakava nenzara asi muIjipiti yose maiva nezvokudya. 55Kuzoti nyika yose yeIjipiti yarumwawo nenzara vanhu vakachema kuna Farao vachichemera chokudya. Farao akataurira vaIjipiti vose achiti, “Endai kuna Josefi, muite zvaanokuudzai.” 56Pakanga zvino nzara yaruma panyika pose, Josefi akazozarura matura embesanwa akavamba kutengesera vaIjipiti vose zvokudya nokuti Ijipiti yakanga yaparara nenzara. 57Vanhu vedzimwe nyika dzose vakauya kuIjipiti kwaiva naJosefi kuzotenga zvokudya nokuti nzara yakanga yabaya pasi pose.

Zvasarudzwa nguva ino

Mavambo 41: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda