Genesisi 41:46-49
Genesisi 41:46-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Josefa akanga ava namakore makumi matatu okuberekwa paakapinda pabasa raFaro mambo weIjipiti. Uye Josefa akabuda kubva pamberi paFaro akafamba munyika yose yeIjipiti. Panguva yamakore manomwe amaguta, nyika yakabereka zvizhinji kwazvo. Josefa akaunganidza zvokudya zvose zvakawanikwa mumakore manomwe aya amaguta muIjipiti akazviunganidza mumaguta. Muguta rimwe nerimwe akaisa zvokudya zvaibva muminda yakapoteredza. Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa; zvakanga zvakawanda zvokuti haana kuzokwanisa kuzvinyora nokuti zvakanga zvisisagoni kuyerwa.
Genesisi 41:46-49 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weIjipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeIjipiti. Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, namakore manomwe amaguta. Akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, akanga aripo panyika yeIjipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo. Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa.
Genesisi 41:46-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Josefi akanga ava namakore makumi matatu nguva yaakapiwa basa naFarao mambo weIjipiti. Ndopaakandeya nenyika yose yeIjipiti. Pamakore manomwe emaguta nyika yakabereka mbesa zhinji kwazvo. Josefi akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe amaguta munyika yeIjipiti achiunganidza zvokudya izvo. Muguta rimwe nerimwe aitutira mbesa dzaikohwiwa muminda yakapoteredza guta racho iroro. Saizvozvo Josefi akaunganidza mbesanwa zhinji kwazvo, dzakawanda sejecha regungwa kusvikira arega zvokuverenga mbesanwa dzacho nokuti dzakanga dzawandisa.
Genesisi 41:46-49 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Josefa wakaŋga anamakore makumi matatu, ŋguʋa yaakamira pamberi paFarao, mambo weEgipita. Josefa akaɓuɗa pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeEgipita. Nyika ikaɓereka ɀizhinji‐zhinji namakore manomŋe amaguta. Akaʋuŋganidza ɀokudya ɀose ɀamakore manomŋe, akaŋga ari’po panyika yeEgipita, akaʋiga ɀokudya mumaguta; ɀokudya ɀeminda yakaŋga yakapoteredza guta rimŋe nerimŋe, wakaɀiʋiga’mo. Josefa akaʋiga ɀiyo, ɀikaita sejeca reguŋgwa, ɀizhinji‐zhinji, kuȿikira akarega kuɀiʋereŋga; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa.
Genesisi 41:46-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)