Farao akataurirawo Josefi kuti, “Chionaka, ndakugadza kuti utonge nyika yose yeIjipiti.” Farao akabvisa mhete yake youmambo pamunwe wake akaipfekedza pamunwe waJosefi. Akamupfekedzawo hanzu dzerineni dzakanaka kwazvo nenyembe yecheni dzendarama muhuro make. Mambo akati Josefi akwire mungoro yechipiri youmambo. Mberi kwake kukagotungamidzwa vaidaidzira vachiti, “Gwadamai muchimuremekedza.” Ndiko kugadzwa kwakaitwa Josefi kuti atonge nyika yose yeIjipiti. Farao akatiwo kuna Josefi, “Ini ndini mambo munyika yose yeIjipiti. Hapana munhu achaita chinhu kunyange chipi zvacho asina kubvumirwa newe.” Farao akatumidza Josefi zita rokuti Zafenatipanea, akamupawo mukadzi ainzi Asinati, mwana waPotifera mupristi weguta reOni. Naizvozvo Josefi akabuda akafamba neIjipiti achiona. Josefi akanga ava namakore makumi matatu nguva yaakapiwa basa naFarao mambo weIjipiti. Ndopaakandeya nenyika yose yeIjipiti. Pamakore manomwe emaguta nyika yakabereka mbesa zhinji kwazvo. Josefi akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe amaguta munyika yeIjipiti achiunganidza zvokudya izvo. Muguta rimwe nerimwe aitutira mbesa dzaikohwiwa muminda yakapoteredza guta racho iroro. Saizvozvo Josefi akaunganidza mbesanwa zhinji kwazvo, dzakawanda sejecha regungwa kusvikira arega zvokuverenga mbesanwa dzacho nokuti dzakanga dzawandisa. Makore enzara asati asvika, Josefi akaita vana vakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati mwana waPotifera mupristi wokuOni. Josefi akatumidza mwana wake wedangwe zita rokuti Manase achiti, “Mwari andibatsira kukanganwa nhamo dzangu nemhuri yababa vangu yose.” Josefi akatumidza mwana wake wechipiri zita rokuti Efuremu, akati, “Mwari andipa vana ndiri munyika yenhamo yangu mandiri.” Makore manomwe emaguta muIjipiti akazopera. Makore manomwe enzara ndokubva atanga sezvakanga zvarehwa naJosefi. Panyika pose pakava nenzara asi muIjipiti yose maiva nezvokudya. Kuzoti nyika yose yeIjipiti yarumwawo nenzara vanhu vakachema kuna Farao vachichemera chokudya. Farao akataurira vaIjipiti vose achiti, “Endai kuna Josefi, muite zvaanokuudzai.” Pakanga zvino nzara yaruma panyika pose, Josefi akazozarura matura embesanwa akavamba kutengesera vaIjipiti vose zvokudya nokuti Ijipiti yakanga yaparara nenzara. Vanhu vedzimwe nyika dzose vakauya kuIjipiti kwaiva naJosefi kuzotenga zvokudya nokuti nzara yakanga yabaya pasi pose.
Verenga chikamu Mavambo 41
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 41:41-57
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo