Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 41:41-57

Genesi 41:41-57 SNA2002

Zvino Farao akati kuna Josefa, “Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose.” Farao akabvisa chimhete chake paruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJosefa, akamufukidza nguo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake; akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, “Pfugamai!” Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti. Farao akati kuna Josefa, “Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti.” Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti. Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weIjipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeIjipiti. Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, namakore manomwe amaguta. Akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, akanga aripo panyika yeIjipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo. Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa. Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni. Josefa akatumidza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, “Nokuti Mwari akandikanganwisa kutambudzika kwangu kwose neimba yababa vangu yose.” Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, “Nokuti Mwari akandiberekesa vana panyika yokutambudzika kwangu.” Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeIjipiti, akapera. Makore manomwe enzara akatanga kusvika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeIjipiti pakanga pane zvokudya. Zvino vanhu vose veIjipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, “Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.” Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaIjipiti; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeIjipiti. Vanhu venyika dzose vakaenda Ijipiti kuna Josefa kuzotenga zviyo; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.

Verenga chikamu Genesi 41