Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 35:16-29

Mavambo 35:16-29 SCLB

Vakabva kuBhetieri vosimudzira rwendo rwavo voenda. Asi vachiri chinhambwe nokusvika munyika yeEfurati nguva yaRakeri yokusununguka yakasvika. Rakeri akatambura chaizvo pakusununguka kwake. Zvaakanga ari pahata akatambura zvikuru, vanyamukuta vakati, “Usatye zvako wapiwa zvakare chimwe chikomana.” Rakeri akataura achitandadza kuti zita romwana rinonzi Bhenoni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini. Rakeri akafirapo akavigwa panzira inoenda kuEfurati kana kuti Bheterehemu. Jakobho akamisa ibwe refu kumusoro kweguva rake. Ndiro ibwe refu repaguva raRakeri riripo nanhasi uno. Isiraeri wakareyo Jakobho akabvapo osimudzira rwendo rwake akandodzika matendhe ake ave panzvimbo yokunge tapfuura shongwe yeEdheri. Isiraeri paaiva agereko Rubheni dangwe rake rakatadza naBhiriha murongo wababa vake, Isiraeri ndokuzvinzwa. Jakobho aiva navana vakomana gumi navaviri. Vanakomana vaRea ndiRubheni dangwe rake, naSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naZebhuruni. Vanakomana vaRakeri ndiJosefi naBhenjamini. Vanakomana vaBhiriha muranda wechikadzi waRakeri ndiDhani naNafutari. Vanakomana vaZiripa muranda wechikadzi waRea ndiGadhi naAsheru. Ivava ndivo vanakomana vaJakobho vakaberekerwa kuMesopotamia. Jakobho akandoona baba vake Isaki kuMamure kana kuti guta reAribha ndiro rimwechetero rinonzi Hebhuroni. Kwakambogara Abhurahamu naIsaki. Isaki akagara zana namakumi masere amakore. Isaki akazochembera zvake akakwegura zvokugutsikanawo ndokufa zvake oendawo kwakaenda vamwe vokwake vachakabvu. Esau naJakobho vana vavo vakavaviga.

Verenga chikamu Mavambo 35