Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 35:16-29

Genesisi 35:16-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo vakapfuurira mberi kubva kuBheteri. Vachiri chinhambwe neEfurati, Rakeri akatanga kurwadziwa uye akatambudzika zvikuru. Uye paakanga achitambudzika zvikuru pakupona mwana, mbuya vaimuchengeta vakati kwaari, “Usatya, nokuti uno mumwe mwanakomana.” Paakabudisa mweya wake, nokuti akanga ofa, akatumidza mwanakomana wake zita rokuti Bheni-Oni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini. Saka Rakeri akafa akavigwa munzira yaienda kuEfurati (ndiro Bheterehema). Pamusoro peguva rake Jakobho akaisa mbiru, uye kusvikira zuva ranhasi mbiru iyi inoratidza guva raRakeri. Israeri akapfuurira mberi zvakare akandodzika tende rake seri kweMigidhari Edheri. Israeri achiri kugara munyika iyo, Rubheni akapinda akandovata nomurongo wababa vake Bhiriha, uye Israeri akanzwa nezvazvo. Jakobho akanga ana vanakomana gumi navaviri: Vanakomana vaRea vaiti: Rubheni dangwe raJakobho, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari naZebhuruni. Vanakomana vaRakeri vaiva: Josefa naBhenjamini. Vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri vaiva: Dhani naNafutari. Vanakomana vaZiripa murandakadzi waRea vaiva: Gadhi naAsheri. Ava ndivo vanakomana vaJakobho, vaakabereka muPadhani Aramu. Jakobho akasvika kumusha kuna baba vake Isaka paMamure, pedyo neKiriati Abha (ndiro Hebhuroni), uko kwakambogara Abhurahama naIsaka. Isaka akararama kwamakore zana namakumi masere. Ipapo akabudisa mweya wake akafa akasanganiswa navanhu vake, akwegura kwazvo. Uye vanakomana vake Esau naJakobho vakamuviga.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 35

Genesisi 35:16-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Rakeri akazvara, akatambudzika pakupona kwake. Akati achitambudzika pakupona kwake, mbuya vakati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvino uchava nomumwe mwanakomanazve.” Zvino mweya wake wakati uchibuda (nokuti wakafa), akamutumidza Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini. Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu). Jakobho akamisa shongwe pamusoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRakeri kusvikira zuva ranhasi. Isiraeri akafamba, akapfuurira mberi, akadzika tende rake neseri kweshongwe yeEdheri. Zvino Isiraeri agere munyika iyoyo, Rubheni akandovata naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri akazvinzwa. Zvino vanakomana vaJakobho vaiva gumi navaviri; vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakobho, naSimeoni, naRevhi, naJudha, naIsakari, naZebhuroni; vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini; vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRakeri: Dhani naNafutari; vanakomana vaZiripa, murandakadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakobho, vaakazvarirwa paPadhanaramu. Jakobho akasvika kuna Isaka, baba vake paMamure, paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni), paigara Abhurahamu naIsaka vari vatorwa. Mazuva aIsaka akanga ari makore ane zana namakumi masere. Mweya waIsaka ukabuda, akafa, akasanganiswa navanhu vake, akwegura, ava namazuva mazhinji; Esau naJakobho, vanakomana vake, vakamuviga.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 35

Genesisi 35:16-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vakabva kuBhetieri vosimudzira rwendo rwavo voenda. Asi vachiri chinhambwe nokusvika munyika yeEfurati nguva yaRakeri yokusununguka yakasvika. Rakeri akatambura chaizvo pakusununguka kwake. Zvaakanga ari pahata akatambura zvikuru, vanyamukuta vakati, “Usatye zvako wapiwa zvakare chimwe chikomana.” Rakeri akataura achitandadza kuti zita romwana rinonzi Bhenoni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini. Rakeri akafirapo akavigwa panzira inoenda kuEfurati kana kuti Bheterehemu. Jakobho akamisa ibwe refu kumusoro kweguva rake. Ndiro ibwe refu repaguva raRakeri riripo nanhasi uno. Isiraeri wakareyo Jakobho akabvapo osimudzira rwendo rwake akandodzika matendhe ake ave panzvimbo yokunge tapfuura shongwe yeEdheri. Isiraeri paaiva agereko Rubheni dangwe rake rakatadza naBhiriha murongo wababa vake, Isiraeri ndokuzvinzwa. Jakobho aiva navana vakomana gumi navaviri. Vanakomana vaRea ndiRubheni dangwe rake, naSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naZebhuruni. Vanakomana vaRakeri ndiJosefi naBhenjamini. Vanakomana vaBhiriha muranda wechikadzi waRakeri ndiDhani naNafutari. Vanakomana vaZiripa muranda wechikadzi waRea ndiGadhi naAsheru. Ivava ndivo vanakomana vaJakobho vakaberekerwa kuMesopotamia. Jakobho akandoona baba vake Isaki kuMamure kana kuti guta reAribha ndiro rimwechetero rinonzi Hebhuroni. Kwakambogara Abhurahamu naIsaki. Isaki akagara zana namakumi masere amakore. Isaki akazochembera zvake akakwegura zvokugutsikanawo ndokufa zvake oendawo kwakaenda vamwe vokwake vachakabvu. Esau naJakobho vana vavo vakavaviga.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 35

Genesisi 35:16-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋakafamba ʋacibva Beteri; cinhambo cakaŋga cici’po cokuȿika Efrati; Rakeri akaɀara, akatambudzika pakupona kwake. Wakati acitambudzika pakupona kwake, mbuya ʋakati kwaari: Usatya hako, nokuti ɀino ucaʋa nomumŋe mŋanakomana ɀe. Ɀino mŋeya wake wakati uciɓuɗa (nokuti wakafa), akamutumidza Benoni; asi ɓaɓa ʋake ʋakamutumidza Benjamini. Rakeri akafa, akaʋigwa panzira inoenda Efrati (rimŋe zita ndiBetrehema). Jakobo akamisa shoŋgwe pamsoro perinda rake, ndiyo shoŋgwe yerinda raRakeri kuȿikira zuʋa ranhasi. Israeri akafamba, akapfuʋurira mberi, akadzika tente rake neseri kweshoŋgwe yeEderi. Ɀino Israeri agere munyika iyo, Rubeni akandoʋata naBirha, muroŋgo waɓaɓa ʋake, Israeri akaɀinzwa. Ɀino ʋanakomana ʋaJakobo ʋaiʋa gumi naʋaʋiri; ʋanakomana ʋaRea: Rubeni, ɗaŋgwe raJakobo, naSimeoni, naRevi, naJuda, naIsakari, naZeburuni; ʋanakomana ʋaRakeri: Josefa naBenjamini; ʋanakomana ʋaBirha, murandakadzi waRakeri: Dani naNaftari; ʋanakomana ʋaZirpa, murandakadzi waRea: Gadi naAsheri. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJakobo, ʋaakaɀarirwa paPadani‐arami. Jakobo akaȿika kunaIsaka, ɓaɓa ʋake paMamre, paKiriyati‐arba (rimŋe zita ndi Hebroni), paigara Abrahama naIsaka ʋari ʋatorwa. Mazuʋa aIsaka akaŋga ari makore anezana namakumi masere. Mŋeya waIsaka ukaɓuɗa, akafa, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake, akwegura, aʋa namazuʋa mazhinji; Esau naJakobo, ʋanakomana ʋake, ʋakamuʋiga.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 35

Genesisi 35:16-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)