Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 35:16-29

Genesi 35:16-29 SNA2002

Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Rakeri akazvara, akatambudzika pakupona kwake. Akati achitambudzika pakupona kwake, mbuya vakati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvino uchava nomumwe mwanakomanazve.” Zvino mweya wake wakati uchibuda (nokuti wakafa), akamutumidza Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini. Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu). Jakobho akamisa shongwe pamusoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRakeri kusvikira zuva ranhasi. Isiraeri akafamba, akapfuurira mberi, akadzika tende rake neseri kweshongwe yeEdheri. Zvino Isiraeri agere munyika iyoyo, Rubheni akandovata naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri akazvinzwa. Zvino vanakomana vaJakobho vaiva gumi navaviri; vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakobho, naSimeoni, naRevhi, naJudha, naIsakari, naZebhuroni; vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini; vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRakeri: Dhani naNafutari; vanakomana vaZiripa, murandakadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakobho, vaakazvarirwa paPadhanaramu. Jakobho akasvika kuna Isaka, baba vake paMamure, paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni), paigara Abhurahamu naIsaka vari vatorwa. Mazuva aIsaka akanga ari makore ane zana namakumi masere. Mweya waIsaka ukabuda, akafa, akasanganiswa navanhu vake, akwegura, ava namazuva mazhinji; Esau naJakobho, vanakomana vake, vakamuviga.

Verenga chikamu Genesi 35