Sara akagara zana namakumi maviri amakore ana makore manomwe. Iwaya ndiwo makore ose oupenyu hwaSara. Sara akafira kuKiriatiaribha kana kuti Hebhuroni, munyika yeKanani. Abhurahamu akambotora nguva yokuyeuka rufu rwaSara achimuchema.
Abhurahamu akasiya chitunha chiri mumba akandotaurirana navaHiti vachiti, “Ini ndinongovawo mutorwa zvangu, muuyi pakati penyu. Ndiwaniseiwo nzvimbo pakati penyu yokuviga hama dzangu dzinenge dzafa.”
VaHiti vakapindura Abhurahamu vachiti, “Teererai munzwe, changamire, imi muri muchinda waMwari. Tinokuremekedzai kwazvo pakati pedu. Vigai zvenyu vafi venyu munzvimbo yakanakisisa pakati penzvimbo dzedu dzose dzokuvigira vanhu. Pakati pedu hapana angakunyimei nzvimbo yokuviga vafi venyu munzvimbo dzokuviga vafi.”
Abhurahamu akasimuka ndokukotamira pasi achiremekedza vaHiti, varidzi venyika. Akati kwavari, “Kana mabvuma kuti ndivige vakafa vangu, chimbondinzwaiwo, zvino chindisvitsiraiwo chichemo changu kuna Efuroni mwanakomana waZohari, kuti andipe bako rake repaMakipera riri pamucheto womunda wake. Ngaanditengesere nomutengo waro wakakwana imi muchizviona. Ive nzvimbo yangu pachangu yokuviga vanhu.”
Efuroni akanga agerepo mukati mevaHiti. Saka Efuroni, muHiti, akapindura Abhurahamu, vaHiti vose vakanga vauya kusuo guru vachizvinzwa. Akati, “Kwete, changamire. Ndinzwei ndinokupai munda iwoyo nebako ririmo, hama dzangu dzichizviona kuti muvige vafi venyu.”
Abhurahamu akakotamira varidzi venyika achivaremekedza. Akataura kuna Efuroni dare rose ravanhu venyika iyoyo richizvinzwa achiti, “Ndichakupai mari yokutenga munda iwoyo, igamuchirei kuti ndivige vafi vangu.”
Efuroni akapindura Abhurahamu achiti, “Changamire wangu, teererai munzwe. Kamutengo kenzvimbo yacho kanongova mazana mana chete emari yamashekeri yesirivha. Zvino munoti imari iyoyo here yatingatemeserane musoro nayo? Endai zvenyu mundoviga munhu wenyu.” Abhurahamu akabvumirana naEfuroni, ndokubva Abhurahamu aerera Efuroni mari yesirivha iya yavakataura vaHiti vachizvinzwa. Mari yacho yaikwana mazana mana esirivha maererano nomwero wouremo waishandiswa pakutengeserana.
Ndokusaka nzvimbo yaEfuroni yokuMakipera iri kumabvazuva kweMamure yakanzi yava yaAbhurahamu. Nzvimbo iyoyo yaisanganisira munda wacho, kwouya bako raivemo, nemiti yose yaivemo kusvikira kumucheto wawo kuitenderedza. Yakapiwa Abhurahamu kuti ive yake, vaHiti navamwe vose vedare vakanga vauya kusuo guru reguta vachizvinzwa.
Abhurahamu akaviga Sara mudzimai wake mubako riri kuMakipera, pakatarisana neMamure kuHebhuroni munyika yeKanani. Saka vaHiti vakapa Abhurahamu nzvimbo iyoyo nebako ririmo zvikabva zvava nzvimbo yake yokuviga vanhu vake.