Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 23:1-20

Genesi 23:1-20 SNA2002

Zvino Sara wakagara makore ane zana namakumi maviri namanomwe; ndiwo makore oupenyu hwaSara. Sara akafa paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni) panyika yeKenani; Abhurahamu akauya kuzochema Sara nokumuririra. Zvino Abhurahamu akasimuka panowakafa wake, akataurirana navana vaHeti, akati, “Ndiri mweni nomutorwa pakati penyu, ndipei nzvimbo yokuviga pakati penyu, ive nzvimbo yangu, kuti ndivige wakafa wangu, ndirege kumuona.” Vana vaHeti vakapindura Abhurahamu, vakati kwaari, “Chitinzwai, ishe wedu, imi muri muchinda waMwari pakati pedu; vigai wakafa wenyu pahwiro hwakanaka pakati pamahwiro edu ose; hakuna munhu pakati pedu angakunyimai hwiro hwake, kuti muvige wakafa wenyu.” Ipapo Abhurahamu wakasimuka akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika iyo, ivo vana vaHeti, akataurirana navo, akati, “Kana muchitenda kuti ndivige wakafa wangu, ndirege kumuona, chindinzwai, mundikumbirire kuna Efuroni, mwanakomana waZohari, kuti andipe bako reMakapera, raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro, ndiripe mutengo wose, ive nzvimbo yangu yokuviga pakati penyu.” Efuroni zvino wakanga agere pakati pavana vaHeti; Efuroni, muHeti, akapindura Abhurahamu, vana vaHeti, vachizvinzwa, ivo vose vaipinda pasuo reguta rake, akati, “Kwete, ishe wangu, chindinzwai; teererai, ndinokupai munda, nairo bako ririmo, ndinokupai iro; ndinokupai izvozvo pamberi pavana vavanhu vangu; vigai henyu wakafa wenyu.” Abhurahamu akakotama pamberi pavanhu venyika iyo, akataura naEfuroni, vanhu venyika iyo vachizvinzwa, achiti, “Kana uchida, chinditeerera hako, ndichakupa mutengo womunda, uugamuchire kwandiri, kuti ndivige wakafa wangupo.” Efuroni akapindura Abhurahamu, akati kwaari, “Ishe wangu, chinditeererai; munda unotengwa namashekeri esirivha ana mazana mana, chingava chinyiko pakati pangu newe? Vigai henyu wakafa wenyu.” Abhurahamu akateerera Efuroni. Abhurahamu akayerera Efuroni mashekeri esirivha aakareva, vana vaHeti vachizvinzwa, mashekeri esirivha ana mazana mana, avanotenga nawo kuvatengesi. Naizvozvo munda waEfuroni, wakanga uri paMakapera pakatarisana neMamure, munda nebako rakanga ririmo, nemiti yose yakanga iri mumunda neyakanga iri panyika yose yakapoteredza, zvikava zvaAbhurahamu pamberi pavana vaHeti, pamberi pavose vaipinda pasuo reguta rake. Shure kwaizvozvo Abhurahamu akaviga Sara, mukadzi wake, mubako romunda weMakapera, pakatarisana neMamure (rimwe zita ndiHebhuroni), panyika yeKenani. Zvino munda nebako rakanga ririmo zvakasimbisiwa kuna Abhurahamu navana vaHeti, kuti zvive zvake, ikava nzvimbo yake yokuviga.

Verenga chikamu Genesi 23