Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 15:6-18

Mavambo 15:6-18 SCLB

Abhuramu akatenda Tenzi zvikaita kuti Tenzi amuti akarurama. Mwari akati, “Ndini Tenzi ndakakuburitsa kuUru yevaKaradhia kuti ndikupe nyika ino kuti ive yako.” Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, ndichaziva sei kuti ichazova yangu?” Mwari akati, “Chitora tsiru remombe rina makore matatu nenhunzvi yembudzi ina makore matatu nehondohwe ine makore matatu nenjiva nenyana rehangaiwa.” Abhuramu akandotora izvozvo zvose ndokuuya nazvo kuna Mwari. Akatsemura dzose napakati, ndokuisa mapandi emhuka imwe neimwe pasi akatarisana. Asi shiri haana kudzitsemura. Kwaiti kukauya magora pamitumbi iya yakanga yatsemurwa, Abhuramu oadzinga. Kuzoti zuva rodoka, Abhuramu akabatwa nehope akakotsira hope dzorufu, akaputirwa nezarima guru raityisa. Ipapo Tenzi akati kuna Abhuramu “Ndinoda kuti unyatsoziva izvi zvokuti, vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo. Ikoko vachange vari varanda vachibatwa zvakaipa kwamazana mana amakore. Asi ini ndicharanga rudzi irworwo runenge ruchivaita varanda. Vana vako vachazobva ikoko vaine upfumi uzhinji. Asi iwe uchaenda zvakanaka kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ako, wanyatsokwegura zvako wozovigwa. Vachadzokera kuno panguva yechizvarwa chavo chechina nokuti uipi hwavaAmori hahusati hwasvika pakundifinha.” Kuzoti zuva radoka, kwasviba, kwakaoneka mbaura yaipfumbuka utsi nezhenje romoto richipfuura napakati pamapandi enyama aye. Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi.

Verenga chikamu Mavambo 15