Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.
Akati kwaari, “Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.”
Iye akati, “Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?”
Akati kwaari, “Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, namwana wenjiva.” Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura. Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga.
Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru. Akati kuna Abhuramu, “Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana; asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nepfuma zhinji. Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo. Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.”
Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama. Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, “Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.