Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 15:6-18

Genesisi 15:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake. Akatiwo kwaari, “Ndini Jehovha, akakubudisa munyika yeUri yavaKaradhea kuti ndikupe nyika iyi kuti uitore ive yako.” Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndingaziva seiko kuti ndichaitora?” Saka Jehovha akati kwaari, “Ndivigire tsiru, mbudzi negondobwe, chimwe nechimwe chazvo china makore matatu pamwe chete nenjiva uye nehangaiwa.” Abhurama akauyisa zvose izvi kwaari, akazvigura napakati uye akaronga hafu dzacho dzakatarisana; asi shiri haana kudzipamura napakati. Ipapo shiri dzinodya nyama dzakaburukira panyama, asi Abhurama akadzidzinga. Zuva parakanga rovira, Abhurama akabatwa nehope huru, uye rima guru rinotyisa rakauya pamusoro pake. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Uzive zvirokwazvo kuti zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isati iri yavo, uye vachabatwa senhapwa uye vachibatwa zvakaipa kwamakore mazana mana. Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa, uye shure kwaizvozvo vachabuda vaine pfuma zhinji kwazvo. Kunyange zvakadaro, iwe uchaenda kumadzibaba ako norugare uye uchavigwa wakwegura kwazvo. Parudzi rwechina, zvizvarwa zvako zvichadzoka pano, nokuti chivi chavaAmori hachisati chasvika pakuzara kwacho.” Zuva rakati ravira, uye kwasviba, choto chinopfungaira utsi uye nomwenje unopfuta zvakaonekwa uye zvikapfuura napakati penhindi. Pazuva iro, Jehovha akaita sungano naAbhurama akati, “Nyika iyi ndinoipa kuzvizvarwa zvako, kubva kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, Yufuratesi

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 15

Genesisi 15:6-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Abhuramu akatenda Tenzi zvikaita kuti Tenzi amuti akarurama. Mwari akati, “Ndini Tenzi ndakakuburitsa kuUru yevaKaradhia kuti ndikupe nyika ino kuti ive yako.” Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, ndichaziva sei kuti ichazova yangu?” Mwari akati, “Chitora tsiru remombe rina makore matatu nenhunzvi yembudzi ina makore matatu nehondohwe ine makore matatu nenjiva nenyana rehangaiwa.” Abhuramu akandotora izvozvo zvose ndokuuya nazvo kuna Mwari. Akatsemura dzose napakati, ndokuisa mapandi emhuka imwe neimwe pasi akatarisana. Asi shiri haana kudzitsemura. Kwaiti kukauya magora pamitumbi iya yakanga yatsemurwa, Abhuramu oadzinga. Kuzoti zuva rodoka, Abhuramu akabatwa nehope akakotsira hope dzorufu, akaputirwa nezarima guru raityisa. Ipapo Tenzi akati kuna Abhuramu “Ndinoda kuti unyatsoziva izvi zvokuti, vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo. Ikoko vachange vari varanda vachibatwa zvakaipa kwamazana mana amakore. Asi ini ndicharanga rudzi irworwo runenge ruchivaita varanda. Vana vako vachazobva ikoko vaine upfumi uzhinji. Asi iwe uchaenda zvakanaka kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ako, wanyatsokwegura zvako wozovigwa. Vachadzokera kuno panguva yechizvarwa chavo chechina nokuti uipi hwavaAmori hahusati hwasvika pakundifinha.” Kuzoti zuva radoka, kwasviba, kwakaoneka mbaura yaipfumbuka utsi nezhenje romoto richipfuura napakati pamapandi enyama aye. Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 15

Genesisi 15:6-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)