Genesisi 15:6-18
Genesisi 15:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake. Akatiwo kwaari, “Ndini Jehovha, akakubudisa munyika yeUri yavaKaradhea kuti ndikupe nyika iyi kuti uitore ive yako.” Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndingaziva seiko kuti ndichaitora?” Saka Jehovha akati kwaari, “Ndivigire tsiru, mbudzi negondobwe, chimwe nechimwe chazvo china makore matatu pamwe chete nenjiva uye nehangaiwa.” Abhurama akauyisa zvose izvi kwaari, akazvigura napakati uye akaronga hafu dzacho dzakatarisana; asi shiri haana kudzipamura napakati. Ipapo shiri dzinodya nyama dzakaburukira panyama, asi Abhurama akadzidzinga. Zuva parakanga rovira, Abhurama akabatwa nehope huru, uye rima guru rinotyisa rakauya pamusoro pake. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Uzive zvirokwazvo kuti zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isati iri yavo, uye vachabatwa senhapwa uye vachibatwa zvakaipa kwamakore mazana mana. Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa, uye shure kwaizvozvo vachabuda vaine pfuma zhinji kwazvo. Kunyange zvakadaro, iwe uchaenda kumadzibaba ako norugare uye uchavigwa wakwegura kwazvo. Parudzi rwechina, zvizvarwa zvako zvichadzoka pano, nokuti chivi chavaAmori hachisati chasvika pakuzara kwacho.” Zuva rakati ravira, uye kwasviba, choto chinopfungaira utsi uye nomwenje unopfuta zvakaonekwa uye zvikapfuura napakati penhindi. Pazuva iro, Jehovha akaita sungano naAbhurama akati, “Nyika iyi ndinoipa kuzvizvarwa zvako, kubva kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, Yufuratesi
Genesisi 15:6-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake. Akati kwaari, “Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.” Iye akati, “Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?” Akati kwaari, “Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, namwana wenjiva.” Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura. Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga. Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru. Akati kuna Abhuramu, “Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana; asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nepfuma zhinji. Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo. Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.” Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama. Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, “Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.
Genesisi 15:6-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhuramu akatenda Tenzi zvikaita kuti Tenzi amuti akarurama. Mwari akati, “Ndini Tenzi ndakakuburitsa kuUru yevaKaradhia kuti ndikupe nyika ino kuti ive yako.” Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, ndichaziva sei kuti ichazova yangu?” Mwari akati, “Chitora tsiru remombe rina makore matatu nenhunzvi yembudzi ina makore matatu nehondohwe ine makore matatu nenjiva nenyana rehangaiwa.” Abhuramu akandotora izvozvo zvose ndokuuya nazvo kuna Mwari. Akatsemura dzose napakati, ndokuisa mapandi emhuka imwe neimwe pasi akatarisana. Asi shiri haana kudzitsemura. Kwaiti kukauya magora pamitumbi iya yakanga yatsemurwa, Abhuramu oadzinga. Kuzoti zuva rodoka, Abhuramu akabatwa nehope akakotsira hope dzorufu, akaputirwa nezarima guru raityisa. Ipapo Tenzi akati kuna Abhuramu “Ndinoda kuti unyatsoziva izvi zvokuti, vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo. Ikoko vachange vari varanda vachibatwa zvakaipa kwamazana mana amakore. Asi ini ndicharanga rudzi irworwo runenge ruchivaita varanda. Vana vako vachazobva ikoko vaine upfumi uzhinji. Asi iwe uchaenda zvakanaka kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ako, wanyatsokwegura zvako wozovigwa. Vachadzokera kuno panguva yechizvarwa chavo chechina nokuti uipi hwavaAmori hahusati hwasvika pakundifinha.” Kuzoti zuva radoka, kwasviba, kwakaoneka mbaura yaipfumbuka utsi nezhenje romoto richipfuura napakati pamapandi enyama aye. Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi.
Genesisi 15:6-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye akatenda Jehova, akamuti ndiko kururama kwake. Akati kwaari: Ndini Jehova wakakuɓuɗisa panyika yeUri yaʋaKardia, kuti ndikupe nyika iyi, iʋe nhaka yako. Iye akati: Ishe Jehova, ndicaziʋa seiko kuti icaʋa nhaka yaŋgu? Akati kwaari: Nditorere tsiru rinamakore matatu, neshece yembudzi inamakore matatu, negondobge rinamakore matatu, nenjiʋa, nomŋana wenjiʋa. Akandomutorera iɀoɀo ɀose, akaɀipamura napakati, akagadzika rumŋe rutiʋi rwakatarisana norumŋe; asi shiri haanakudzipamura. Ipapo magora akaɓurukira kunyama, asi Abrama wakaadziŋga. Ɀino zuʋa rakati roʋira, Abrama ndokuɓatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru. Akati kunaAbrama: Uziʋe kwaɀo kuti ʋana ʋako ʋacaʋa ʋatorwa munyika isati iri yaʋo: ʋacaʋa ʋaranda ʋaʋo; ʋacatambudzwa makore anamazana manna; asi ini ndicatoŋga rudzi urwo rwaʋacashumira; pashure ʋacaɓuda’po nefuma zhinji. Asi iwe ucaenda kunamadziɓaɓa ako norugare; ucaʋigwa wakwegura kwaɀo. Rudzi rwecinna rucadzokera pano, nokuti kusarurama kwaʋaAmori kucigere kuzara. Ɀino zuʋa rakati raʋira, kwaȿiɓa, coto cinopfuŋgaira nezhenje romŋoto ɀakaʋonekwa ɀicipfuʋura napakati penhindi idzedzo dzenyama. Nomusi iwoyo Jehova akaita suŋgano naAbrama, akati: Ʋana ʋako ndaʋapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kuȿikira kurwizi rukuru, runonzi Yufratesi
Genesisi 15:6-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)