Tenzi akati kuna Mosesi, “Mangwana, fumoenda kuna Farao undosangana naye paanenge achienda kurwizi, uti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata. Kana ukavarambidza kuenda, ndichaunza bute renhunzi, dzichamomera pauri iwe namachinda ako, navanhu vako, dzichizaridzana mudzimba dzavaIjipiti, dzichiitawo fararira napasi. Asi musi iwoyo, zvandichaita kudunhu reGosheni kugere vanhu vangu ndichazvisiyansisa nokumwe. Mapute enhunzi acho haasviki ikoko. Ndipo pauchazoziva kuti ini Tenzi ndiri mukati menyika ino. Zvandichaitira vanhu vangu zvichasiyana nezvandichaita kuvanhu vako. Chiratidzo ichi ndichachiita mangwana.’ ” Tenzi akaita izvozvo. Nhunzi dzakazaridzana mumba maFarao nomudzimba dzamachinda ake nomunyika yose yeIjipiti. Nyika yose ikasemesa namapute enhunzi. Farao akadaidza Mosesi naAroni akati, “Endai zvenyu mupire Mwari wenyu zvibayiro, asi muri munyika muno.” Asi Mosesi akati, “Hatingadaro nokuti zvibayiro zvatichapira Tenzi, Mwari wedu, hazvidiwi navaIjipiti. Zvino tikapira Tenzi zvibayiro vaIjipiti vachiona, handiti vangatishatirirwe vakatitema namabwe tikafa. Regai tiende rwendo rwamazuva matatu murenje, tindopira Tenzi, Mwari wedu zvibayiro nokuti ndizvo zvaakatirayira.” Farao akati, “Ndinokubvumirai kundopira Tenzi, Mwari wenyu muri murenje, asi regai kuenda kure. Mundinamatirewo.” Mosesi akati, “Zvakanaka, ini ndichabva pano ndichindokumbira Tenzi kuti mangwana mapute enhunzi abve pana Farao namakurukota ake navanhu vake. Asi dai mambo mukarega kuita zvakare zvokutibata zvenyu kumeso imi muchizorambidza zvenyu vaIsiraeri kundopira Tenzi zvibayiro zvavo.” Mosesi akabva pana Farao akandonamata kuna Tenzi. Tenzi akaita zvakakumbirwa naMosesi akabvisa mapute enhunzi pana Farao namachinda ake navanhu vake. Hakuna kana nenhunzi imwechete yakasara. Kunyange ipapa, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vaende.
Verenga chikamu Kubuda 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 8:20-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo