Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 8:20-32

Ekisodho 8:20-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro paanenge achienda kumvura ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. Kana usingatenderi vanhu vangu kuti vaende, ndichatumira bute renhunzi pamusoro pako napamusoro pamachinda ako, napamusoro pavanhu vako uye nomudzimba dzenyu. Dzimba dzavaIjipita dzichazara nenhunzi, uye kunyange pavhu pavamire. “ ‘Asi pazuva iroro ndichatsaura nyika yeGosheni uko kunogara vanhu vangu; hakuna bute renhunzi richawanikwa ikoko kuitira kuti ugoziva kuti ini, Jehovha, ndiri munyika muno. Ndichaita mutsauko pakati pavanhu vangu navanhu vako. Chiratidzo ichi chichaitika mangwana.’ ” Uye Jehovha akaita izvozvo. Mabute enhunzi akapinda mumuzinda maFaro uye nomudzimba dzamachinda ake, uye muIjipiti yose, nyika yakaparadzwa namabute enhunzi. Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Endai mundobayira kuna Mwari wenyu munyika muno.” Asi Mozisi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo. Zvipiriso zvatinoda kubayira kuna Jehovha Mwari wedu zvingazonyangadza vaIjipita. Uye kana tikapa zvibayiro zvinonyangadza pamberi pavo, havangazotitaki namabwe here? Tinofanira kufamba rwendo rwamazuva matatu kuti tinobayira kuna Jehovha Mwari wedu murenje, sezvaakatirayira.” Faro akati, “Ndichakutenderai kuenda kunobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wenyu murenje, asi hamufaniri kuenda kure kure. Zvino chindinyengetererai.” Mozisi akapindura akati, “Ndichangobva pauri, ndichanonyengetera kuna Jehovha, uye mangwana nhunzi dzichabva pana Faro namachinda ake uye napavanhu vake. Ivai nechokwadi chete kuti Faro haazonyengerizve achirambidza vanhu kuenda kundopa zvibayiro kuna Jehovha.” Ipapo akabva pana Faro akandonyengetera kuna Jehovha, uye Jehovha akaita zvaakakumbirwa naMozisi. Nhunzi dzakabva pana Faro nokumachinda ake uye nokuvanhu vake; hakuna nhunzi yakasara. Asi panguva inozve, Faro akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendera vanhu kuti vaende.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 8

Ekisodho 8:20-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’ Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire. Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose. Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.” Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi. Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.” Mosesi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here? Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.” Farao akati, “Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.” Mosesi akati, “Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.” Ipapo Mosesi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha. Jehovha akaita sezvakakumbira Mosesi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe. Asi Farao akaomesa mwoyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 8

Ekisodho 8:20-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kuna Mosesi, “Mangwana, fumoenda kuna Farao undosangana naye paanenge achienda kurwizi, uti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata. Kana ukavarambidza kuenda, ndichaunza bute renhunzi, dzichamomera pauri iwe namachinda ako, navanhu vako, dzichizaridzana mudzimba dzavaIjipiti, dzichiitawo fararira napasi. Asi musi iwoyo, zvandichaita kudunhu reGosheni kugere vanhu vangu ndichazvisiyansisa nokumwe. Mapute enhunzi acho haasviki ikoko. Ndipo pauchazoziva kuti ini Tenzi ndiri mukati menyika ino. Zvandichaitira vanhu vangu zvichasiyana nezvandichaita kuvanhu vako. Chiratidzo ichi ndichachiita mangwana.’ ” Tenzi akaita izvozvo. Nhunzi dzakazaridzana mumba maFarao nomudzimba dzamachinda ake nomunyika yose yeIjipiti. Nyika yose ikasemesa namapute enhunzi. Farao akadaidza Mosesi naAroni akati, “Endai zvenyu mupire Mwari wenyu zvibayiro, asi muri munyika muno.” Asi Mosesi akati, “Hatingadaro nokuti zvibayiro zvatichapira Tenzi, Mwari wedu, hazvidiwi navaIjipiti. Zvino tikapira Tenzi zvibayiro vaIjipiti vachiona, handiti vangatishatirirwe vakatitema namabwe tikafa. Regai tiende rwendo rwamazuva matatu murenje, tindopira Tenzi, Mwari wedu zvibayiro nokuti ndizvo zvaakatirayira.” Farao akati, “Ndinokubvumirai kundopira Tenzi, Mwari wenyu muri murenje, asi regai kuenda kure. Mundinamatirewo.” Mosesi akati, “Zvakanaka, ini ndichabva pano ndichindokumbira Tenzi kuti mangwana mapute enhunzi abve pana Farao namakurukota ake navanhu vake. Asi dai mambo mukarega kuita zvakare zvokutibata zvenyu kumeso imi muchizorambidza zvenyu vaIsiraeri kundopira Tenzi zvibayiro zvavo.” Mosesi akabva pana Farao akandonamata kuna Tenzi. Tenzi akaita zvakakumbirwa naMosesi akabvisa mapute enhunzi pana Farao namachinda ake navanhu vake. Hakuna kana nenhunzi imwechete yakasara. Kunyange ipapa, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vaende.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 8

Ekisodho 8:20-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Fumira maŋgwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, ucaɓuɗa acienda kumvura; uti kwaari: Ɀanzi naJehova: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate. Nokuti kana ukaramba kutendera ʋanhu ʋaŋgu, tarira ndicatuma ɓute renhunzi pamsoro pako, napamsoro paʋaranda ʋako, napamsoro paʋanhu ʋako, nomudzimba dzako; dzimba dzaʋaEgipita dzicazara namapute enhunzi, kunyaŋge nevu padzimire. Nomusi iwoyo ndicatsaura nyika yeGosheni pagere ʋanhu ʋaŋgu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuʋa’po; kuti uziʋe kuti ndini Jehova pakati penyika dzose. Ndicaparadzanisa ʋanhu ʋaŋgu naʋanhu ʋako; ciratidzo ici cicaʋa’po maŋgwana. Ɀino Jehova akaita saiɀoɀo, mapute makuru‐kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzaʋaranda ʋake, nomunyika yose yeEgipita; nyika ikaʋodzwa namapute enhunzi. Ɀino Farao akaɗana Mosesi naAroni, akati: Endai, mundoɓayira Mŋari wenyu munyika ino. Mosesi akati: Haɀina‐kunaka kuita saiɀoɀo, nokuti ticaɓayira Jehova, Mŋari weɗu, ɀiɓayiro ɀinonyaŋgadza ʋaEgipita; tarirai, kana tikaɓayira ɀinonyaŋgadza ʋaEgipita haʋaŋgatitaki namabge here? Ticaenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tigoɓayira Jehova Mŋari weɗu seɀaanotiraira. Farao akati: Ndicakutenderai kuenda mundoɓayira Jehova Mŋari wenyu murenje, asi musaenda kure‐kure. Ndinyeŋgetererei. Mosesi akati: Tarirai, ndinoɓuɗa kwamuri, ndicandonyeŋgetera kunaJehova kuti mapute enhunzi abve kunaFarao, nokuʋaranda ʋake, nokuʋanhu ʋake maŋgwana; asi Farao ŋgaarege kuzonyeŋgera ɀe, aciramba kutendera ʋanhu kuenda kundoɓayira Jehova. Ipapo Mosesi akaɓuɗa kunaFarao, akandonyeŋgetera kunaJehova. Jehova akaita seɀakakumbira Mosesi, akabvisa mapute enhunzi kunaFarao, nokuʋaranda ʋake, nokuʋanhu ʋake; haina‐kusara kunyaŋge neimŋe. Asi Farao wakawomesa mŋoyo wake neŋguʋa iyo ʋo, akasatendera ʋanhu kuenda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 8

Ekisodho 8:20-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)