Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 8:20-32

Ekisodho 8:20-32 SNA2002

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’ Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire. Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose. Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.” Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi. Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.” Mosesi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here? Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.” Farao akati, “Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.” Mosesi akati, “Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.” Ipapo Mosesi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha. Jehovha akaita sezvakakumbira Mosesi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe. Asi Farao akaomesa mwoyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.

Verenga chikamu Ekisodho 8