Mosesi aiti kana apindamo, shongwe yegore yaiuya yomira pamusuo wetendhe iroro, Tenzi otaura naMosesi. Vanhu vose vaiti nyandu kusumuka kana vaona shongwe yegore iyoyo yamira pamusuo wetendhe iroro, vobva vazoti pasi gwadagwa munhu woga woga ari pamusuo wetendhe rake vonamata. Saizvozvo Tenzi aitaurirana naMosesi vakatarisana uso nouso somunhu anokurukurirana neshamwari yake. Painge Mosesi odzokera zvake kumatendhe, Joshuwa, mwanakomana waNunu, jaya raibatsira Mosesi, akanga asingasiyane netendhe iroro.
Verenga chikamu Kubuda 33
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 33:9-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo