“Unofanira kuveza mapango omuunga, ugadzire atari panopisirwa rusenzi. Ngaive nourefu noupamhi hwakaenzana, kureba kwayo ngakuite masendimita makumi mana namashanu, upamhi hwayo ngahuitewo masendimita makumi mana namashanu, kukwira kwayo mudenga ngakuite masendimita makumi mapfumbamwe. Zvitanda zvina zvinenge nyanga zviri nechepamusoro pamakona ayo ngazvivezwe zvakabatana nayo, unamirire nendarama chaiyo yakanakisisa, atari iyoyo napamusoro payo nenhivi dzayo dzose nezvinenge nyanga zviri pamusoro pemakona ayo zviya. Pamusoro peatari ngapapenderwe nomukombero wendarama. Unozoigadzirira maringi mana endarama uanamatidze panyasi pomukombero wayo uya, uchiti uku maviri uku maviri. Maringi iwayo ndeokupfekera mapango okuitakurisa, woveza mapango omuunga unamirire nendarama. Unozogadzika atari iyoyo pakatarisana nejira rechidzikatiro rokudzikatidza bhokisi rechitenderano rine hwidibiro paya pandichasangana newe. Mazuva ose, Aroni paanofumira kundogadziridza marambi, ngaapise rusenzi runonhuhwira paatari iyoyo. Manheru, paanouya kuzogadziridza marambi, ngaapise rusenzi zvakare, ruve rusenzi runogaropiswa paneni Tenzi pazvizvarwa zvenyu zvose. Paatari iyoyo pasapirwe rusenzi rusirirwo, kana kupira mupiro wokupisa, kunyange upfu hwomupiro wembesanwa, kana kudururirapo mupiro wokuteura. Kamwechete pagore, Aroni ngaapire mupiro wokupfupira zvitadzo. Ngaatore ropa rechibayiro chokupfupira zvitadzo arizore pazvinhu zviye zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari. Ngazvigaroitwa gore negore pazvizvarwa zvenyu zvose. Atari iyoyo ngaive inoeresesa iatari kuneni Tenzi.”
Verenga chikamu Kubuda 30
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 30:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo