Ekisodho 30:1-10
Ekisodho 30:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Unofanira kuitawo atari yokupisirapo zvinonhuwira; uiite nomuti womuakasia. Kureba kwayo ngakuve kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nhivi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti maviri, uye nyanga dzayo ngadzive chinhu chimwe chete nayo. “Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nokunhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; uiitirewo hata yendarama inoikomberedza. Uiitirewo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhivi dzayo mbiri, pave paingatakurwa namatanda. Uitewo matanda omuakasia, nokuafukidza nendarama. Zvino unofanira kuiisa pamberi pechidzitiro chiri paareka yechipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, pandichasangana newe. Aroni anofanira kupisa pamusoro payo zvinonhuwira zvemiti yakanaka; ngaazvipise mangwanani ose, kana achigadzira mwenje. Kana Aroni achitungidza mwenje madekwana, ngaazvipise, zvive zvinonhuwira pamberi paJehovha nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose. Musapisira pamusoro payo zvinonhuwira zvisina kufanira, kana chipiriso chinopiswa, kana chipiriso choupfu; musadururira pamusoro payo chipiriso chinodururwa. Aroni anofanira kuyananisa panyanga dzayo kamwe chete pagore; anofanira kuyananisa pamusoro payo kamwe chete pagore, neropa rechipiriso chezvivi chinoyananisa, kusvikira kumarudzi enyu ose; chinhu chitsvene kwazvo kuna Jehovha.”
Ekisodho 30:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uite aritari yokupisira zvinonhuhwira namatanda omuunga. Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti maviri, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo. Ufukidze pamusoro payo namativi ose uye nenyanga dzayo negoridhe rakaisvonaka, uye uite hata mbiri kumativi akatarisana. Kuti dzibate mapango anoshandiswa kuitakura. Uite mapango aya nomuti womuunga uye uafukidze negoridhe. Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe. “Aroni anofanira kupisa zvinonhuhwira pamusoro pearitari mangwanani oga oga paanogadzira mwenje. Anofanira kupisazve zvinonhuhwira paanenge achitungidza mwenje zuva richangovira saka zvinonhuhwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuhwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo. Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.”
Ekisodho 30:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Unofanira kuveza mapango omuunga, ugadzire atari panopisirwa rusenzi. Ngaive nourefu noupamhi hwakaenzana, kureba kwayo ngakuite masendimita makumi mana namashanu, upamhi hwayo ngahuitewo masendimita makumi mana namashanu, kukwira kwayo mudenga ngakuite masendimita makumi mapfumbamwe. Zvitanda zvina zvinenge nyanga zviri nechepamusoro pamakona ayo ngazvivezwe zvakabatana nayo, unamirire nendarama chaiyo yakanakisisa, atari iyoyo napamusoro payo nenhivi dzayo dzose nezvinenge nyanga zviri pamusoro pemakona ayo zviya. Pamusoro peatari ngapapenderwe nomukombero wendarama. Unozoigadzirira maringi mana endarama uanamatidze panyasi pomukombero wayo uya, uchiti uku maviri uku maviri. Maringi iwayo ndeokupfekera mapango okuitakurisa, woveza mapango omuunga unamirire nendarama. Unozogadzika atari iyoyo pakatarisana nejira rechidzikatiro rokudzikatidza bhokisi rechitenderano rine hwidibiro paya pandichasangana newe. Mazuva ose, Aroni paanofumira kundogadziridza marambi, ngaapise rusenzi runonhuhwira paatari iyoyo. Manheru, paanouya kuzogadziridza marambi, ngaapise rusenzi zvakare, ruve rusenzi runogaropiswa paneni Tenzi pazvizvarwa zvenyu zvose. Paatari iyoyo pasapirwe rusenzi rusirirwo, kana kupira mupiro wokupisa, kunyange upfu hwomupiro wembesanwa, kana kudururirapo mupiro wokuteura. Kamwechete pagore, Aroni ngaapire mupiro wokupfupira zvitadzo. Ngaatore ropa rechibayiro chokupfupira zvitadzo arizore pazvinhu zviye zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari. Ngazvigaroitwa gore negore pazvizvarwa zvenyu zvose. Atari iyoyo ngaive inoeresesa iatari kuneni Tenzi.”
Ekisodho 30:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unofanira kuita ʋo artari yokupisira’po ɀinonhuwira; uiite nomuti womuakasia. Kureɓa kwayo ŋgakuʋe kubiti rimŋe, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe, nhiʋi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ŋgakuʋe makubiti maʋiri, ʋuye nyaŋga dzayo ŋgadziʋe cinhu cimŋe cete nayo. Unofanira kuifukidza nendarama yakaiȿo‐naka, kumsoro kwayo, nokunhiʋi dzayo dzose, nenyaŋga dzayo; uiitire ʋo hata yendarama inoikomberedza. Uiitire ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhiʋi dzayo mbiri, paʋe paiŋgatakurwa namatanda. Uite ʋo matanda omuakasia, nokuafukidza nendarama. Ɀino unofanira kuiisa pamberi pecidzitiro ciri paareka yecipupuriro, pamberi pecifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro pecipupuriro, pandicasoŋgana newe. Aroni unofanira kupisa pamsoro payo ɀinonhuwira ɀemiti yakanaka; ŋgaaɀipise maŋgwanani ose, kana acigadzira mŋenje. Kana Aroni acituŋgidza mŋenje maɗekwana, ŋgaaɀipise, ɀiʋe ɀinonhuwira pamberi paJehova nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose. Musapisira pamsoro payo ɀinonhuwira ɀisina‐kufanira, kana cipiriso cinopiswa, kana cipiriso coʋupfu; musaɗururira pamsoro payo cipiriso cinoɗururwa. Aroni unofanira kuyananisa panyaŋga dzayo kamŋe cete pagore; unofanira kuyananisa pamsoro payo kamŋe cete pagore, neropa recipiriso ceɀiʋi cinoyananisa, kuȿikira kumarudzi enyu ose; cinhu citȿene kwaɀo kunaJehova.
Ekisodho 30:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)