“Unofanira kuitawo atari yokupisirapo zvinonhuwira; uiite nomuti womuakasia. Kureba kwayo ngakuve kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nhivi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti maviri, uye nyanga dzayo ngadzive chinhu chimwe chete nayo. “Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nokunhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; uiitirewo hata yendarama inoikomberedza. Uiitirewo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhivi dzayo mbiri, pave paingatakurwa namatanda. Uitewo matanda omuakasia, nokuafukidza nendarama. Zvino unofanira kuiisa pamberi pechidzitiro chiri paareka yechipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, pandichasangana newe. Aroni anofanira kupisa pamusoro payo zvinonhuwira zvemiti yakanaka; ngaazvipise mangwanani ose, kana achigadzira mwenje. Kana Aroni achitungidza mwenje madekwana, ngaazvipise, zvive zvinonhuwira pamberi paJehovha nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose. Musapisira pamusoro payo zvinonhuwira zvisina kufanira, kana chipiriso chinopiswa, kana chipiriso choupfu; musadururira pamusoro payo chipiriso chinodururwa. Aroni anofanira kuyananisa panyanga dzayo kamwe chete pagore; anofanira kuyananisa pamusoro payo kamwe chete pagore, neropa rechipiriso chezvivi chinoyananisa, kusvikira kumarudzi enyu ose; chinhu chitsvene kwazvo kuna Jehovha.”
Verenga chikamu Ekisodho 30
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 30:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo