Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza vaIsiraeri vadzoke mundodzika matendhe enyu pakatarisana neguta rePihahiroti, pakati peMigidhori negungwa, pedyo neguta reBhaarizefoni, mudzike matendhe enyu ipapo pedyo negungwa. Farao achafunga kuti vaIsiraeri vari kudzungaira munyika, rerenje ravakomberedza. Ini ndichaita kuti Farao aomese mwoyo akuteverei. Ini ndichawana mbiri nokukurira kwandichaita Farao nehondo yake yose. VaIjipiti ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi.” VaIsiraeri vakabva vaita saizvozvo. Mambo weIjipiti paakaudzwa kuti vanhu vaye vatiza, iye namachinda ake vakasanduka mwoyo vakati, “Ko chiiko chatakaita? Takakanganisa, takarega vaIsiraeri vachienda zvavo vachisiya kutiitira basa.” Farao akarongedzera ngoro yake akakukuchana nehondo yake. Akatevera vaIsiraeri ane ngoro dzake dzose dzehondo. Paiva nengoro mazana matanhatu, dzino chaidzo dzamandiriri nedzimwe ngoro dzehondo dzose dzeIjipiti, pangoro paine varwi vano chaivo vatatu vatatu. Tenzi akaita kuti Farao mambo weIjipiti aomese mwoyo, akabva atevera vaIsiraeri, asi vaIsiraeri vakanga vatoenda zvavo iyo misoro iri mudenga vasingakatari. VaIjipiti vakaronda vaIsiraeri. Vakanga vaine ngoro dzose dzaFarao dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo nehondo yake. Vakabatira vaIsiraeri vave kuPihahiroti pakatarisana neBhaarizefoni vari pamatendhe avo pedyo negungwa. Farao paakanga oswedera pedyo navo, vaIsiraeri vakacheuka, onei vaIjipiti vakarongana vachivatevera, vakatya kwazvo vakachema kuna Tenzi. Vakati kuna Mosesi, “Ko iko kuIjipiti kwakanga kusina makuva here zvawakatitora ikoko kuti tifire murenje muno? Iyewe ndiwe wakatiburitsa muIjipiti, zvino chawakatiitira chii ipapa? Handiti ndizvozvi here zvatakakuudza tichiri muIjipiti kuti siyana nesu, utirege tishandire vaIjipiti. Zvaitova nani kuti tishandire vaIjipiti pano kufira murenje.” Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve. Tenzi ndiye achakurwirai, chenyu imi chete kubata hana.”
Verenga chikamu Kubuda 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 14:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo