Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Udza vana vaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo. Zvino Farao achati pamusoro pavana vaIsiraeri, ‘Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.’ Ndichaomesa mwoyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.” Vakaita saizvozvo.
Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; mwoyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, “Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?” Zvino akagadzira ngoro yake, akaenda navanhu vake; akatora ngoro dzakatsaurwa dzina mazana matanhatu, nengoro dzose dzeIjipiti, dzina vatariri vadzo dzose. Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, mambo weIjipiti, akateverera vana vaIsiraeri, nokuti vana vaIsiraeri vakanga vabuda noruoko rune simba. VaIjipiti vakavateverera namabhiza ose nengoro dzaFarao, navatasvi vake vamabhiza, nehondo yake, vakavabata vachiri pamisasa pagungwa, paPihahiroti pamberi peBhaarizefoni.
Zvino Farao akati asvika pedyo, vana vaIsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha. Vakati kuna Mosesi, “Makanga muchiti hamuna mahwiro paIjipiti, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa paIjipiti? Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paIjipiti here, tichiti, ‘Tiregei, tibatire hedu vaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire vaIjipiti, pakuti tifire murenje.’ ”
Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi. Jehovha achakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.”