Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 14:1-14

Ekisodho 14:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti vadzoke vagondodzika musasa pedyo nePi Hahiroti, pakati peMigidhori negungwa. Vanofanira kudzika misasa pedyo nepagungwa, pakatarisana neBhaari Zefoni. Faro achafunga kuti, ‘VaIsraeri vari kungodzungaira nenyika vakanganisika, vadzimira murenje.’ Uye ndichaomesa mwoyo waFaro, agovatevera. Asi ini ndichazviwanira kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha.” Saka vaIsraeri vakaita izvozvo. Mambo weIjipiti akati audzwa kuti vanhu vatiza, Faro namachinda ake vakapindura pfungwa dzavo pamusoro pavo vakati, “Ko, taitei? Tarega vaIsraeri vachienda uye havachatishandiri!” Saka akaita kuti ngoro dzake dzigadzirwe uye akatora hondo yake akaenda nayo. Akatora ngoro dzakanakisisa dzaisvika mazana matanhatu, pamwe chete nedzimwe ngoro dzeIjipiti dzina vatariri vadzo dzose. Jehovha akaomesa mwoyo waFaro mambo weIjipiti, kuti atevere vaIsraeri, avo vakanga vachifamba vakashinga kwazvo. VaIjipita, mabhiza ose aFaro nengoro dzake, vatasvi vamabhiza namauto, vakatevera vaIsraeri vakavabata pavakanga vadzika musasa pagungwa pedyo nePi Hahiroti, pakatarisana neBhaari Zefoni. Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona vaIjipita vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha. Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti? Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here’? Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!” Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona kusunungura kwaJehovha kwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve. Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 14

Ekisodho 14:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Udza vana vaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo. Zvino Farao achati pamusoro pavana vaIsiraeri, ‘Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.’ Ndichaomesa mwoyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.” Vakaita saizvozvo. Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; mwoyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, “Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?” Zvino akagadzira ngoro yake, akaenda navanhu vake; akatora ngoro dzakatsaurwa dzina mazana matanhatu, nengoro dzose dzeIjipiti, dzina vatariri vadzo dzose. Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, mambo weIjipiti, akateverera vana vaIsiraeri, nokuti vana vaIsiraeri vakanga vabuda noruoko rune simba. VaIjipiti vakavateverera namabhiza ose nengoro dzaFarao, navatasvi vake vamabhiza, nehondo yake, vakavabata vachiri pamisasa pagungwa, paPihahiroti pamberi peBhaarizefoni. Zvino Farao akati asvika pedyo, vana vaIsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha. Vakati kuna Mosesi, “Makanga muchiti hamuna mahwiro paIjipiti, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa paIjipiti? Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paIjipiti here, tichiti, ‘Tiregei, tibatire hedu vaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire vaIjipiti, pakuti tifire murenje.’ ” Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi. Jehovha achakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 14

Ekisodho 14:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza vaIsiraeri vadzoke mundodzika matendhe enyu pakatarisana neguta rePihahiroti, pakati peMigidhori negungwa, pedyo neguta reBhaarizefoni, mudzike matendhe enyu ipapo pedyo negungwa. Farao achafunga kuti vaIsiraeri vari kudzungaira munyika, rerenje ravakomberedza. Ini ndichaita kuti Farao aomese mwoyo akuteverei. Ini ndichawana mbiri nokukurira kwandichaita Farao nehondo yake yose. VaIjipiti ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi.” VaIsiraeri vakabva vaita saizvozvo. Mambo weIjipiti paakaudzwa kuti vanhu vaye vatiza, iye namachinda ake vakasanduka mwoyo vakati, “Ko chiiko chatakaita? Takakanganisa, takarega vaIsiraeri vachienda zvavo vachisiya kutiitira basa.” Farao akarongedzera ngoro yake akakukuchana nehondo yake. Akatevera vaIsiraeri ane ngoro dzake dzose dzehondo. Paiva nengoro mazana matanhatu, dzino chaidzo dzamandiriri nedzimwe ngoro dzehondo dzose dzeIjipiti, pangoro paine varwi vano chaivo vatatu vatatu. Tenzi akaita kuti Farao mambo weIjipiti aomese mwoyo, akabva atevera vaIsiraeri, asi vaIsiraeri vakanga vatoenda zvavo iyo misoro iri mudenga vasingakatari. VaIjipiti vakaronda vaIsiraeri. Vakanga vaine ngoro dzose dzaFarao dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo nehondo yake. Vakabatira vaIsiraeri vave kuPihahiroti pakatarisana neBhaarizefoni vari pamatendhe avo pedyo negungwa. Farao paakanga oswedera pedyo navo, vaIsiraeri vakacheuka, onei vaIjipiti vakarongana vachivatevera, vakatya kwazvo vakachema kuna Tenzi. Vakati kuna Mosesi, “Ko iko kuIjipiti kwakanga kusina makuva here zvawakatitora ikoko kuti tifire murenje muno? Iyewe ndiwe wakatiburitsa muIjipiti, zvino chawakatiitira chii ipapa? Handiti ndizvozvi here zvatakakuudza tichiri muIjipiti kuti siyana nesu, utirege tishandire vaIjipiti. Zvaitova nani kuti tishandire vaIjipiti pano kufira murenje.” Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve. Tenzi ndiye achakurwirai, chenyu imi chete kubata hana.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 14

Ekisodho 14:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Ʋudza ʋana ʋaIsraeri kuti ʋadzoke, ʋaʋake misasa yaʋo pamberi paPihahiroti, pakati peMigdori neguŋgwa, pamberi peBaari‐zefoni; muʋake misasa yenyu paguŋgwa pakatarisana napo. Ɀino Farao ucati pamsoro paʋana ʋaIsraeri: Ʋarasha nzira panyika, renje raʋadziʋirira. Ndicawomesa mŋoyo waFarao kuti aʋateʋerere; ini ndicakudzwa pamsoro paFarao napahondo yake yose; ʋaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova. Ʋakaita saiɀoɀo. Ɀino mambo weEgipita wakaʋudzwa kuti ʋanhu ʋatiza; mŋoyo waFarao nowaʋaranda ʋake ukashandukira ʋanhu, ʋakati: Taita seiko ɀatatendera ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋacitiɓatira kuti ʋaende? Ɀino akagadzira ŋgoro yake, akaenda naʋanhu ʋake; akatora ŋgoro dzakatsaurwa dzinamazana matanhatu, neŋgoro dzose dzeEgipita, dzinaʋatariri ʋadzo dzose. Jehova akawomesa mŋoyo waFarao, mambo weEgipita, akateʋerera ʋana ʋaIsraeri, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋaɓuɗa noruʋoko runesimba. ƲaEgipita ʋakaʋateʋerera namabiza ose neŋgoro dzaFarao, naʋataȿi ʋake ʋamabiza, nehondo yake, ʋakaʋaɓata ʋaciri pamisasa paguŋgwa, paPihahiroti pamberi peBaari‐zefoni. Ɀino Farao wakati aȿika pedyo, ʋana ʋaIsraeri ʋakasimudza meso aʋo, ʋakaʋona ʋaEgipita ʋaciʋateʋerera, ʋakatya kwaɀo; ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova. Ʋakati kunaMosesi: Makaŋga muciti hamunamabgiro paEgipita, mukatibvisa’ko kuti tifire murenje here? Makatiitireiko ɀamatiɓuɗisa paEgipita? Ko harizi shoko iro ratakakuʋudzai paEgipita here, ticiti: Tiregei, tiɓatire heɗu ʋaEgipita? Nokuti ɀiri nani kuti tiɓatire ʋaEgipita, pakuti tifire murenje. Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Musatya henyu, mirai, mugoʋona sunuŋguro yaJehova, yaacakuitirai nhasi, nokuti ʋaEgipita ʋamaʋona nhasi, hamuŋgazoʋaʋoni ɀe nokusiŋgaperi. Jehova ucakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 14

Ekisodho 14:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)