Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vaefeso 4:22-31

Vaefeso 4:22-31 SCLB

Chibvisai humunhu hwenyu homugariro wenyu wakare hwakaodzwa nehavi dzounyengedzi, muvandudzwe patsva mumweya nomupfungwa dzenyu, mupfeke unhu hutsva hwakasikwa hwakatodzana naMwari muururami noutsvene huri pachokwadi. Naizvozvo chikandai pasi nhema, munhu oga oga ataure chokwadi kuno mumwe wake nokuti tiri mutezo womumwe nomumwe wedu. Kushatirwa mungashatirwe zvenyu asi musapare chitadzo. Musavidze zuva makashatirwa muchipa Dhiabhori mukana. Mbavha ngaachirega kuba ichiita basa kwaro namaoko ayo [rinoiraramisa] kuti ibatsire vasina chokubata. Mumuromo menyu ngamurege kubuda mazwi akaora asi mazwi ayo chete anovaka anofambirana nezviripo kuti ape chikomborero vanenge vakateerera. Muregewo kutsamwisa Mweya Mutsvene waMwari nokuti ndiye wamakapiwa naye rupawo kuitira zuva reruponeso. Bvisai mamuri nduramwa dzose nokutsamwa, nehasha nokupopota namakuhwa nouipi hwose.

Verenga chikamu Vaefeso 4