Vaefeso 4
4
II: MASHOKO OKUKURUDZIRA
Kubatana kwedu somuviri mumwechete
1Naizvozvo ini musungwa akasungirwa Tenzi ndinokukumbirai kuti mugare upenyu hunowirirana noupenyu hwamakadaidzirwa. 2Ivai nemwoyo wokuzvirereka nemwoyo munyoro nemwoyo murefu muchitirirana zvine rudo 3muine shungu dzokuchengetedza Mweya wokubatana kwamakaita makasunganidzwa norugare. 4Kunongova nomuviri mumwechete naMweya mumwechete sokudaidzirwa kwamakaitwa chitarisiro chimwechete pamakadaidzwa. 5Kuna Tenzi mumwechete nechitendero chimwechete noruombeko rumwechete. 6Kuna Mwari mumwechete Baba vedu tose vari pamusoro pavose vanoshanda nomuna vose uye muna vose.
7Mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha zvichienderana nokukura kwechipo chaakapiwa naKristu. 8Saizvozvo zvinonzi,
“Paakakwira kumusoro
akatungamirira gurusvusvu ravasungwa
akapa zvipo kuvanhu.”
9Ko, kuti akakwira kumusoro kunoreva kuti kudii? Kunorevawo kuti akambodzika pasi pasi penyika. 10Iye akadzika ndiyewo akakwira kumusorosoro kwamatenga ose kuti azadze zvinhu zvose. 11Zvipo zvake zvaiva zvokuti vamwe vave vapositori, vamwewo vave vaporofita uye vamwe vave vaparidzi veShoko Rakanaka, vamwe vari vafudzi, vamwe vari vadzidzisi 12kuti vatsvene vawaniswe ruzivo rwebasa rezvokwaMwari kuti muviri waKristu uumbwe 13kusvikira tose tave vamwechete muchitendero nomukuziva Mwanakomana waMwari kusvikira tave vanhu vabve zano kusvikira tava nechimiro chaKristu chizere. 14Izvi zvinoita kuti tirege kuramba tiri vana vanoitwa sukunasai vanongopeperetswa kose kose nechidzidziso chipi nechipi choujarijari hwavanhu nokusvinuka kwavo muunyengedzi. 15Asi, zvirinani kutaura chokwadi murudo. Tinofanira kukura muna zvose maari iye musoro, Kristu. 16Ndiye anoita kuti muviri wose ukure uchizviumba murudo wakabatana uye wakarukana nenhengo dzose dzauinadzo chero nhengo imwe neimwe ichiita basa rayo zvakanaka.
Upenyu hwedu hutsva munaKristu
17Zvino izvi ndizvo zvandinotaura ndichisimbisisa kwazvo muzita raTenzi kuti hamufaniri kunge muchagara savahedheni nepfungwa dzavo dzisina maturo. 18Pfungwa dzavo dziri murima. Vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari pamusana pokushaya ruzivo kuri mavari nokuda kokuomarara kwavo komwoyo yavo. 19Havasisina nyadzi; kana kuzvibata uye vanamakaro.
20Hazvisiri izvo zvamakadzidza pana Kristu. 21Makanzwaka imi nezvake mukadzidziswa maaari chokwadi sezvachiri muna Jesu. 22Chibvisai humunhu hwenyu homugariro wenyu wakare hwakaodzwa nehavi dzounyengedzi, 23muvandudzwe patsva mumweya nomupfungwa dzenyu, 24mupfeke unhu hutsva hwakasikwa hwakatodzana naMwari muururami noutsvene huri pachokwadi.
25Naizvozvo chikandai pasi nhema, munhu oga oga ataure chokwadi kuno mumwe wake nokuti tiri mutezo womumwe nomumwe wedu. 26Kushatirwa mungashatirwe zvenyu asi musapare chitadzo. Musavidze zuva makashatirwa 27muchipa Dhiabhori mukana. 28Mbavha ngaachirega kuba ichiita basa kwaro namaoko ayo [rinoiraramisa] kuti ibatsire vasina chokubata. 29Mumuromo menyu ngamurege kubuda mazwi akaora asi mazwi ayo chete anovaka anofambirana nezviripo kuti ape chikomborero vanenge vakateerera. 30Muregewo kutsamwisa Mweya Mutsvene waMwari nokuti ndiye wamakapiwa naye rupawo #4:30 Rupawo: Runyora. kuitira zuva reruponeso. 31Bvisai mamuri nduramwa dzose nokutsamwa, nehasha nokupopota namakuhwa nouipi hwose. 32Itiranai zvakanaka muve nomwoyo murefu muchiregererana sokuregererwa kwamakaitwa naMwari muna Kristu.
Zvasarudzwa nguva ino
Vaefeso 4: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.