Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 4:22-31

VaEfeso 4:22-31 SNA2002

kuti pamufambiro wenyu wokutanga mubvise munhu wekare; unoodzwa nokuchiva kwokunyengetera; muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, mupfeke munhu mutsva, akasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwechokwadi. Naizvozvo bvisai nhema, mutaure chokwadi, mumwe nomumwe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe. Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; musapa Dhiabhori nzvimbo. Akaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa anoshaiwa. Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa. Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa. Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri

Verenga chikamu VaEfeso 4