Naizvozvo ndakavenga upenyu nokuti zvinoitwa pasi pedenga zvakandiipira. Chiripo ndechokuti zvose hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo. Ndakavenga basa rangu rose randaishingairira kuita pasi pedenga sezvandinoona kuti ndinofanira kurisiira michero yaro anonditevedzera. Ndiani angazive kuti anenge ari mungwaru here kana kuti benzi? Asi iye achave muridzi wezvinhu zvose zvandakashanda ndichishandisa ungwaru hwangu pasi pedenga. Izvozviwo hazvinzwisisiki. Naizvozvo ndakapinduka ndorasa mwoyo pabasa rangu randakaita pasi pedenga nokuti dzimwe nguva munhu anenge ashanda noungwaru noruzivo uye noumhizha anofanira kusiya zvose zvokuzofadza zvazvo munhu asina kuzvishandira. Izvozvi hazvinzwisisiki uye zvakaipa kwazvo. Iye munhu anowanei nokushingaira nokutambura kwaanoita pasi pedenga? Chandinodariro ndechokuti mazuva ose omunhu anongova matambudziko chete nenhamo. Kunyange usiku pfungwa dzake hadzizorori. Izvozviwo hazvinzwisisiki. Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari; nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare? Nokuti munhu, anofadza Mwari anomupa ungwaru neruzivo nerufaro. Asi mutadzi anomupa basa rokunhongerera achiunganidza zvinhu zvokuzopiwa zvazvo kumunhu anofadza Mwari. Izvozviwo zvinopazamisa musoro uye kunongova kudzingirira mhepo.
Verenga chikamu Muparidzi 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Muparidzi 2:17-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo