Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 2:17-26

Muparidzi 2:17-26 SNA2002

Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nokuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi. Zvino ndakavenga kubata kwangu kwose kwandatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiyira munhu anonditevera. Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo. Saka ndakatendeuka, kuti ndiodze hangu mwoyo wangu pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata pasi pezuva. Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake, asinakutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo. Nokuti munhu anowanei pamusoro pokubata kwake kwose, nokushingaira kwomwoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva? Nokuti mazuva ake ose inhamo bedzi, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyange usiku mwoyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo. Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari. Nokuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kunze kwake? Nokuti munhu, anomufadza, anopiwa huchenjeri, nezivo, nomufaro; asi mutadzi anopiwa kutambudzika, kuti aunganidze nokututira, agozvipa mumwe anofadza Mwari. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.

Verenga chikamu Muparidzi 2