Muparidzi 2:17-26
Muparidzi 2:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo. Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera. Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo. Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva. Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo. Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva? Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo. Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari, nokuti kana pasina iye, ndiani angadya kana kuwana mufaro? Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.

Muparidzi 2:17-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nokuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi. Zvino ndakavenga kubata kwangu kwose kwandatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiyira munhu anonditevera. Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo. Saka ndakatendeuka, kuti ndiodze hangu mwoyo wangu pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata pasi pezuva. Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake, asinakutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo. Nokuti munhu anowanei pamusoro pokubata kwake kwose, nokushingaira kwomwoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva? Nokuti mazuva ake ose inhamo bedzi, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyange usiku mwoyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo. Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari. Nokuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kunze kwake? Nokuti munhu, anomufadza, anopiwa huchenjeri, nezivo, nomufaro; asi mutadzi anopiwa kutambudzika, kuti aunganidze nokututira, agozvipa mumwe anofadza Mwari. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.
Muparidzi 2:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo ndakavenga upenyu nokuti zvinoitwa pasi pedenga zvakandiipira. Chiripo ndechokuti zvose hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo. Ndakavenga basa rangu rose randaishingairira kuita pasi pedenga sezvandinoona kuti ndinofanira kurisiira michero yaro anonditevedzera. Ndiani angazive kuti anenge ari mungwaru here kana kuti benzi? Asi iye achave muridzi wezvinhu zvose zvandakashanda ndichishandisa ungwaru hwangu pasi pedenga. Izvozviwo hazvinzwisisiki. Naizvozvo ndakapinduka ndorasa mwoyo pabasa rangu randakaita pasi pedenga nokuti dzimwe nguva munhu anenge ashanda noungwaru noruzivo uye noumhizha anofanira kusiya zvose zvokuzofadza zvazvo munhu asina kuzvishandira. Izvozvi hazvinzwisisiki uye zvakaipa kwazvo. Iye munhu anowanei nokushingaira nokutambura kwaanoita pasi pedenga? Chandinodariro ndechokuti mazuva ose omunhu anongova matambudziko chete nenhamo. Kunyange usiku pfungwa dzake hadzizorori. Izvozviwo hazvinzwisisiki. Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari; nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare? Nokuti munhu, anofadza Mwari anomupa ungwaru neruzivo nerufaro. Asi mutadzi anomupa basa rokunhongerera achiunganidza zvinhu zvokuzopiwa zvazvo kumunhu anofadza Mwari. Izvozviwo zvinopazamisa musoro uye kunongova kudzingirira mhepo.
Muparidzi 2:17-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka ndakaʋeŋga ʋupenyu, nokuti ɓasa rinoitwa pasi pezuʋa rakandinzwisa shuŋgu; nokuti ɀose haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi. Ɀino ndakaʋeŋga kuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa, ɀandinofanira kuɀisiyira munhu unonditeʋera. Ɀino ndiani uŋgaziʋa kana iye acaʋa wakacenjera kana ɓenzi? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaʋa nesimba pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata, neɀandakaita noʋucenjeri pasi peɗeŋga. Naiɀoɀo ʋo hazinamaturo. Saka ndakatendeʋuka, kuti ndiʋodze haŋgu mŋoyo waŋgu pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa. Nokuti munhu uri’ko wakaɓata noʋucenjeri neziʋo noʋumhizha; kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kuɀisiyira mumŋe, uʋe mugoʋe wake, usinakutoŋgoɀitamburira. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, cinhu cakaipa kwaɀo. Nokuti munhu unowanei pamsoro pokuɓata kwake kwose, nokushiŋgaira kwomŋoyo wake, kwaanoɓata nako pasi pezuʋa? Nokuti mazuʋa ake ose inhamo ɓedzi, nokutambudzika kwake kucema; ɀirokwaɀo kunyaŋge ʋusiku mŋoyo wake hauzorori. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo. Hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu adye, anwe, afadze mŋeya wake neɀakanaka pakati pokuɓata kwake. Ndakaʋona kuti naiɀoɀi ɀinobva kuruʋoko rwaMŋari. Nokuti ndiani uŋgadya, ndiani uŋgafarira cinhu kunze kwake? Nokuti munhu, unomufadza, unopiwa ʋucenjeri, neziʋo, nomufaro; asi mutadzi unopiwa kutambudzika, kuti aʋuŋganidze nokututira, agoɀipa mumŋe unofadza Mŋari. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo.
Muparidzi 2:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)