Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 2:17-26

Muparidzi 2:17-26 SUB1949

Saka ndakaʋeŋga ʋupenyu, nokuti ɓasa rinoitwa pasi pezuʋa rakandinzwisa shuŋgu; nokuti ɀose haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi. Ɀino ndakaʋeŋga kuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa, ɀandinofanira kuɀisiyira munhu unonditeʋera. Ɀino ndiani uŋgaziʋa kana iye acaʋa wakacenjera kana ɓenzi? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaʋa nesimba pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata, neɀandakaita noʋucenjeri pasi peɗeŋga. Naiɀoɀo ʋo hazinamaturo. Saka ndakatendeʋuka, kuti ndiʋodze haŋgu mŋoyo waŋgu pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa. Nokuti munhu uri’ko wakaɓata noʋucenjeri neziʋo noʋumhizha; kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kuɀisiyira mumŋe, uʋe mugoʋe wake, usinakutoŋgoɀitamburira. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, cinhu cakaipa kwaɀo. Nokuti munhu unowanei pamsoro pokuɓata kwake kwose, nokushiŋgaira kwomŋoyo wake, kwaanoɓata nako pasi pezuʋa? Nokuti mazuʋa ake ose inhamo ɓedzi, nokutambudzika kwake kucema; ɀirokwaɀo kunyaŋge ʋusiku mŋoyo wake hauzorori. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo. Hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu adye, anwe, afadze mŋeya wake neɀakanaka pakati pokuɓata kwake. Ndakaʋona kuti naiɀoɀi ɀinobva kuruʋoko rwaMŋari. Nokuti ndiani uŋgadya, ndiani uŋgafarira cinhu kunze kwake? Nokuti munhu, unomufadza, unopiwa ʋucenjeri, neziʋo, nomufaro; asi mutadzi unopiwa kutambudzika, kuti aʋuŋganidze nokututira, agoɀipa mumŋe unofadza Mŋari. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo.

Verenga chikamu Muparidzi 2