Akakomborera Josefi achiti,
“Nyika yake ngaikomborerwe naTenzi,
matenga ngaamupe mvura inonaya zvakanaka,
neimwe inobvinina ichibva pasi.
Ngaawane zvose zvakanaka zvinoibviswa nezuva,
nezvinoibva mwedzi nomwedzi.
Ngaawane gomborero remichero yokutanga mumakomo ekare,
zvakanakisisa zvechinyakare.
Ngaakomborerwe nezvose zvakanyanya
kunaka zvinowanika panyika.
Mwoyochena wouya aitaura ari mugwenzi.
Makomborero aya ngaadurururukire pana Josefi,
nokuti aiva mutungamiriri pakati pavakoma vake.
Achava mukono wenzombe pakati pavo,
nyanga dzake dzichinge dzenyati,
imwe yacho ndizvo zviuru nezviuru zvedzinza raManase,
imwe yacho ndiwo mazana akazanirana edzinza raEfuremu;
nadzo achatunga marudzi avanhu
kusvikira kwakaperera nyika.”
Akakomborera Zebhuruni achiti,
“Zebhuruni pembera ufare zvako pane zvaunoita,
newewo Isakari fara zvako uri pamatendhe ako.
Vachakokera ndudzi dzavanhu kugomo,
kuzopira zvibayiro zviri pamutemo,
nokuti vachawana upfumi huzhinji hwomugungwa,
noupfumi hwuzhinji hwakavanzwa mujecha.”
Akakomborera Gadhi achiti,
“Akakomborerwa zvake Gadhi akawana nyika huru!
Achagaramo akati hwatata seshumba,
achibvambura ruoko nokutsemura dehenya.
Akazvisarudzira pachake nyika yakanakisisa,
yakanga yakachengeterwa mutungamiriri wehondo;
akauya somutungamiriri wavanhu,
achinyatsochengeta zvirevo
nemitemo yaTenzi navaIsiraeri.”
Akakomborera Dhani achiti,
“Dhani mwana weshumba chaiye
anoita zvokuuruka achibva kuBhashani.”
Akakomborera Nafutari achiti,
“Nafutari akagutsikana nomwoyochena waakaitirwa,
azere namakomborero aTenzi;
gungwa nenyika yokumaodzanyemba ndezvake.”
Akakomborera Asheri achiti,
“Asheri ngaakomborerwe kupfuura mamwe madzinza ose.
Ngaave wapamwoyo kuvakoma navanun'una vake
aite mafuta okutsika netsoka.
Zvihuri zvapamisuo yako
ngazvive zvesimbi nezvomundarira kusimba,
urarame upenyu hwako hwose uri chirambakusakara.
Chinzwa Isiraeri, iyewe Jeshuruni,
hakuna mumwe akaita saMwari anofamba nomumatenga,
anofamba nechiremera chake nomumakore kuzokubatsira.
Mwari, Nyakugaraaripo ndiye bako rako,
anokutakura mumaoko ake nokusingaperi.
Anofanokudzingira vavengi vako achiti, ‘Vaparadze.’
Saka Isiraeri agere zvake murugare oga,
vana vaJakobho vagere zvavo pavo voga,
munyika yomaguta embesa newaini,
ina matenga anonayisa dova.
Zvako iwe Isiraeri wakakomborerwa!
Ndianiwo zvake angaenzaniswe newe,
rudzi rwakaponeswa naTenzi
ndiye nhoo yako inokubatsira,
ndiye bakatwa rinokuita kuti ukunde.
Vavengi vako vachauya vachiteterera kwauri.
Nzvimbo dzavo dzakatunhumara dzokuteurira
uchaita zvokudzitsikirira zvako.”