Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 15:1-4

Kutsinhira Mutemo 15:1-4 SCLB

“Pose panongoti perei gore rechinomwe usareve chikwereti. Zvamuchaita ndezvizvi: munhu wose anenge akakweretesa mumwe wake chinhu ngaarege kuchireva. Ngaarege kuchibvunza kuhama yake kana kuno mumwe muIsiraeri nokuti zvakataurwa naTenzi zviya zvokusazoreva chikwereti zvinenge zvatovapo. Ungareve zvako chikwereti kumutorwa, asi rega kuchireva kune mumwe wako muIsiraeri. “Hapachazovi nomurombo pakati penyu nokuti Tenzi achanyatsokukomborerai munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.