Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 15:1-4

Dhuteronomi 15:1-4 BDSC

Pakupera kwamakore manomwe oga oga munofanira kudzima zvikwereti. Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa. Ungareva hako chikwereti kubva kumutorwa, asi unofanira kudzima chikwereti chipi zvacho chakakweretwa nehama yako. Kunyange zvakadaro, hapafaniri kuva nomurombo pakati penyu, nokuti munyika iyo Jehovha Mwari wenyu yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, achakuropafadzai kwazvo