Ndakarota hope dzakandityisa ndirere hangu pamubhedha. Kwakauya pfungwa nezvimwe zvandaioneswa mumusoro mangu zvikabva zvandibvundisa nokutya. Naizvozvo ini ndakatema chirevo chokuti vangwaru vose veBhabhironi vauyiwe navo kwandiri kuti vanditsanangurirewo zvinoreva hope idzodzo. Vamaminimini navamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vakapinda, ini ndikavarondedzera hope dzangu. Asi havana kugona kundizivisa zvadzinoreva. Pakupedzesera akapinda Dhanieri, uya akatumidzwa zita rokuti Bheriteshaza rinoenderanawo nezita ramwari wangu, akapinda mandaiva. Maari mune Mweya waMwari Anoera. Ndakamutaurira hope idzodzo ndichiti, ‘Iwe Bheriteshaza mukuru mukuru wavanhu vamaminimini, hedzino hope dzandakarota nditaurire zvadzinoreva nokuti ndinozviziva kuti mauri iwe mune Mweya waMwari Anoera uye kuti hakuna chakavandika chingakunetse.’ “Zvandakaoneswa mumusoro mangu ndirere pamubhedha ndezvizvi izvi. Ndakatarisa ndikaona muti pakati penyika wakanga wakareba zvikuru kwazvo. Muti iwoyo wakakura ukasimba ukaita nhungamakore chaiyo kureba uchitoonekwa kwose nekwakaperera nyika. Mashizha awo aiyevedza kwazvo, uye wakanga wakabereka michero zvokubereka zviya. Zvose zvaiwana zvokudya mauri: Mhuka dzesango dzaiwana mumvuri pasi pawo, shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo. Zvipenyu zvose zvichitowana zvokudya mauri. “Ndichitarisa kudaro zvinhu zvandaioneswa mumusoro mangu ndirere saizvozvo pamubhedha ndakaona hoyo mutariri anoera achiburuka kudenga. Akadaidzira kwazvo achiti, ‘Temai muti uyu muusanzaure mapazi muukwazhure mashizha, michero yawo muiti mwarara. Regai zvenyu mhuka dziparamuke kutiza pasi pawo shiriwo dzidzvamuke mumapazi awo. Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chakasungwa nengetani dzesimbi nendarira muuswiswi hwomusango. Muregei ambonyorova nedova redenga ambova weboka romhuka muuswa hwenyika. Regai ambosandurwa pfungwa apiwe pfungwa dzomhuka zvayo kumbopera makore manomwe akadaro. Chirango ichochi ichi, chatemwa navatariri; chisungo chacho ishoko revanoera. Izvozvi zvaitirwa kuti vapenyu vazivewo kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwavanhu, uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake, kunyange vapasi pasi zvavo.’ “Izvozvi izvi ndizvo zvandakarota ndichiona, ini mambo Nebhukadhineza. Saka zvino iwe Bheriteshaza dudzira zvadzinoreva nokuti vangwaru vose zvavo venyika youmambo hwangu havana kugona kundizivisa dudziro yacho. Asi iwe unozvikwanisa pamusana pokuti mauri mune Mweya waMwari Anoera.”
Verenga chikamu Dhanieri 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 4:5-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo