Dhanieri 4:5-18
Dhanieri 4:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakarota hope dzakandityisa. Pandakanga ndivete pamubhedha wangu, zvifananidzo nezviratidzo zvakapinda mupfungwa dzangu zvakandivhundutsa. Saka ndakarayira kuti varume vakachenjera veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu kuti vazondidudzira kurota uku. Nʼanga, navaya vanofarira mazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi vakati vauya, ndakavaudza kurota kwangu, asi havana kugona kundidudzira. Pakupedzisira, Dhanieri akauya pamberi pangu ndikamuudza kurota kwangu. (Ndiye anonzi Bheriteshazari, akapiwa zita ramwari wangu, uye mweya wavamwari vatsvene uri maari.) Ndakati, “Bheriteshazari, iwe mukuru wenʼanga, ndinoziva kuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri, uye hakuna chakavanzika chinokuomera. Hezvino zvandakarota; chindidudzira. Hezvino zvandakaratidzwa, zvandakaona ndivete pamubhedha wangu: Ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pamire muti, uri pakati penyika. Kureba kwawo kwakanga kuri kukuru kwazvo. Muti wakakura ukasimba uye manhengenya awo aisvika kudenga; wakanga uchioneka kusvika kumigumo yenyika. Mashizha awo akanga akanaka, uye michero yawo yakawanda chose, uye pamusoro pawo pakanga pane zvokudya zvazvose. Mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, uye shiri dzedenga dzaimhara pamatavi awo; zvipenyu zvose zvaidya pauri. “Ndakaona muzviratidzo, ndakavata pamubhedha wangu, ndikatarisa, ipapo pamberi pangu pakanga pano mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga. Akadanidzira nenzwi guru achiti, ‘Temai muti uyu mugokwanhura matavi awo; pururai mashizha awo mugoparadzira michero yawo. Mhuka ngadzitize pasi pawo, neshiri ngadzibve pamatavi awo. Asi hunde nemidzi yawo, yacho zvakasungwa nesimbi nendarira, ngazvisare muvhu, muuswa hwesango. “ ‘Ngaanyoroveswe nedova rokudenga, uye ngaagare nemhuka pakati pemiti yenyika. Pfungwa dzake ngadzishandurwe kubva pane dzomunhu uye ngaapiwe pfungwa dzemhuka, kusvikira nguva nomwe dzamuperera. “ ‘Kutonga uku kwaziviswa navatumwa, vatsvene ndivo vareva zvakatongwa, kuitira kuti vapenyu vagoziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanoda anogadza pamusoro pavo munhu wapasipasi.’ “Ndiko kurota kwandakaita, ini Mambo Nebhukadhinezari. Zvino chindiudza zvazvinoreva, iwe, Bheriteshazari, nokuti hakuna varume vakachenjera muushe hwangu vangagona kundidudzira. Asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri.”
Dhanieri 4:5-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikaona kurota kwakandityisa, pfungwa dzangu panhoo dzangu, nezvandakaratidzwa mumusoro mangu zvikanditambudza. Naizvozvo ndakatema chirevo kuti vachenjeri vose veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu, kuti vandizivise kududzirwa kwokurota. Ipapo vakachenjera nen’anga navaKaradhea navafemberi vakuya, ndikavaudza kurota kwangu, asi havana kundizivisa kududzirwa kwazvo. Asi pakupedzisira Dhanieri akauya pamberi pangu, iye ane zita rinonzi Bheteshazari, akatumidzwa zita ramwari wangu, anomweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu, ndichiti, ‘Iwe Bheteshazari, mukuru wavakachenjera, zvandinoziva kuti une mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako, uye kuti hakuna chakvanzika chinokutambudza, chindiudza zvandakaona pakurota kwangu nokududzirwa kwazvo.’ “Zvandakaona mumusoro mangu, ndiri panhoo dzangu, ndezvizvi: Ndakatarira, ndikaona muti pakati penyika, kureba kwawo kwakanga kuri kukuru. Muti ukakura, ukasimba, kureba kwawo kukasvika kudenga, uye wakanga uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose. Mashizha awo akanga akanaka, nemichero yawo yakanga iri mizhinji, zvose zvaiwanapo zvokudya; mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokudenga dzaigara mumatavi awo, uye zvipenyu zvose zvaidyapo. “Ndikaona pane zvandakaona mumusoro mangu ndiri panhoo dzangu, ndikaona mutumwa, iye ari mutsvene, achiburuka kudenga. Akadanidzira, akati, ‘Temai muti, dimurai matavi awo, pururai mashizha awo, paradzirai michero yawo; mhuka ngadzibve pasi pawo, neshiri pamatavi awo. Asi siyai hunde nemidzi yawo muvhu, zvakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango; ngaanyoroveswe nedova rokudenga, apiwe mugove wake wouswa pamwechete nemhuka dzenyika; mwoyo wake ngaushandurwe, urege kuva womunhu, apiwe mwoyo wemhuka, nguva nomwe dzipere aripo.’ Kutonga uku kwauya nechirevo chavachengeti, chinhu ichi charehwa neshoko ravatsvene, kuti vapenyu vazive kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda, nokugadza pauri vaduku pakati pavanhu. “Ndiko kurota kwandakaona, ini mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshaari, chindizivisa kududzirwa kwazvo, vakachenjera vose voushe hwangu zvavasingagoni kundizivisa kududzirwa kwazvo; asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako.”
Dhanieri 4:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakarota hope dzakandityisa ndirere hangu pamubhedha. Kwakauya pfungwa nezvimwe zvandaioneswa mumusoro mangu zvikabva zvandibvundisa nokutya. Naizvozvo ini ndakatema chirevo chokuti vangwaru vose veBhabhironi vauyiwe navo kwandiri kuti vanditsanangurirewo zvinoreva hope idzodzo. Vamaminimini navamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vakapinda, ini ndikavarondedzera hope dzangu. Asi havana kugona kundizivisa zvadzinoreva. Pakupedzesera akapinda Dhanieri, uya akatumidzwa zita rokuti Bheriteshaza rinoenderanawo nezita ramwari wangu, akapinda mandaiva. Maari mune Mweya waMwari Anoera. Ndakamutaurira hope idzodzo ndichiti, ‘Iwe Bheriteshaza mukuru mukuru wavanhu vamaminimini, hedzino hope dzandakarota nditaurire zvadzinoreva nokuti ndinozviziva kuti mauri iwe mune Mweya waMwari Anoera uye kuti hakuna chakavandika chingakunetse.’ “Zvandakaoneswa mumusoro mangu ndirere pamubhedha ndezvizvi izvi. Ndakatarisa ndikaona muti pakati penyika wakanga wakareba zvikuru kwazvo. Muti iwoyo wakakura ukasimba ukaita nhungamakore chaiyo kureba uchitoonekwa kwose nekwakaperera nyika. Mashizha awo aiyevedza kwazvo, uye wakanga wakabereka michero zvokubereka zviya. Zvose zvaiwana zvokudya mauri: Mhuka dzesango dzaiwana mumvuri pasi pawo, shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo. Zvipenyu zvose zvichitowana zvokudya mauri. “Ndichitarisa kudaro zvinhu zvandaioneswa mumusoro mangu ndirere saizvozvo pamubhedha ndakaona hoyo mutariri anoera achiburuka kudenga. Akadaidzira kwazvo achiti, ‘Temai muti uyu muusanzaure mapazi muukwazhure mashizha, michero yawo muiti mwarara. Regai zvenyu mhuka dziparamuke kutiza pasi pawo shiriwo dzidzvamuke mumapazi awo. Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chakasungwa nengetani dzesimbi nendarira muuswiswi hwomusango. Muregei ambonyorova nedova redenga ambova weboka romhuka muuswa hwenyika. Regai ambosandurwa pfungwa apiwe pfungwa dzomhuka zvayo kumbopera makore manomwe akadaro. Chirango ichochi ichi, chatemwa navatariri; chisungo chacho ishoko revanoera. Izvozvi zvaitirwa kuti vapenyu vazivewo kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwavanhu, uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake, kunyange vapasi pasi zvavo.’ “Izvozvi izvi ndizvo zvandakarota ndichiona, ini mambo Nebhukadhineza. Saka zvino iwe Bheriteshaza dudzira zvadzinoreva nokuti vangwaru vose zvavo venyika youmambo hwangu havana kugona kundizivisa dudziro yacho. Asi iwe unozvikwanisa pamusana pokuti mauri mune Mweya waMwari Anoera.”
Dhanieri 4:5-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikaʋona kurota kwakandityisa, pfuŋgwa dzaŋgu panhoʋo dzaŋgu, neɀandakaratidzwa mumusoro maŋgu ɀikanditambudza. Naiɀoɀo ndakatema cireʋo kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋuyiswe pamberi paŋgu, kuti ʋandiziʋise kuɗudzirwa kwokurota. Ipapo ʋakacenjera neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi ʋakaʋuya, ndikaʋaʋudza kurota kwaŋgu, asi haʋana‐kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. Asi pakupedzisira Danieri wakaʋuya pamberi paŋgu, iye unezita rinonzi Berteshazari, wakatumidzwa nezita ramŋari waŋgu, unomŋeya waʋamŋari ʋatȿene mukati make; ini ndikamuʋudza kurota kwaŋgu, ndiciti: Iwe Berteshazari, mukuru waʋakacenjera, ɀandinoziʋa kuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako, ʋuye kuti hakune‐cakaʋanzika cinokutambudza, cindiʋudza ɀandakaʋona pakurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo. Ɀandakaʋona mumusoro maŋgu, ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndiɀeɀi: Ndakatarira, ndikaʋona muti pakati penyika, kureɓa kwawo kwakaŋga kuri kukuru. Muti ukakura, ukasimba, kureɓa kwawo kukaȿika kuɗeŋga, ʋuye wakaŋga uciʋonekwa kuȿikira kumigumo yenyika yose. Mashizha awo akaŋga akanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakaŋga ɀiri ɀizhinji, ɀose ɀaiwana’po ɀokudya; mhuka dzesaŋgo dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokuɗeŋga dzaigara mumataʋi awo, ʋuye ɀipenyu ɀose ɀaidya’po. Ndikaʋona paneɀandakaʋona mumusoro maŋgu ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndikaʋona murindi, iye ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga. Akaɗanidzira, akati: Temai muti, raŋgurai mataʋi awo, pururai mashizha awo, paradzirai ɀiɓereko ɀawo; mhuka ŋgadzibve pasi pawo, neshiri pamataʋi awo. Asi siyai hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo; ŋgaanyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, apiwe mugoʋe wake woʋuswa pamŋe cete nemhuka dzenyika; mŋoyo wake ŋgaushandurwe, urege kuʋa womunhu, apiwe mŋoyo wemhuka, ŋguʋa nomŋe dzipere ari’po. Kutoŋga uku kwaʋuya necireʋo caʋarindi, cinhu ici carebga neshoko raʋatȿene, kuti ʋapenyu ʋaziʋe kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa, nokugadza paʋuri ʋaɗuku pakati paʋanhu. Ndiko kurota kwandakaʋona, ini mambo Nebukadnezari; ɀino iwe Berteshazari, cindiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ʋakacenjera ʋose ʋoʋushe bgaŋgu ɀaʋasiŋgagoni kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo; asi iwe unogona, nokuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako.
Dhanieri 4:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)