Ndikaona kurota kwakandityisa, pfungwa dzangu panhoo dzangu, nezvandakaratidzwa mumusoro mangu zvikanditambudza. Naizvozvo ndakatema chirevo kuti vachenjeri vose veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu, kuti vandizivise kududzirwa kwokurota. Ipapo vakachenjera nen’anga navaKaradhea navafemberi vakuya, ndikavaudza kurota kwangu, asi havana kundizivisa kududzirwa kwazvo. Asi pakupedzisira Dhanieri akauya pamberi pangu, iye ane zita rinonzi Bheteshazari, akatumidzwa zita ramwari wangu, anomweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu, ndichiti, ‘Iwe Bheteshazari, mukuru wavakachenjera, zvandinoziva kuti une mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako, uye kuti hakuna chakvanzika chinokutambudza, chindiudza zvandakaona pakurota kwangu nokududzirwa kwazvo.’
“Zvandakaona mumusoro mangu, ndiri panhoo dzangu, ndezvizvi: Ndakatarira, ndikaona muti pakati penyika, kureba kwawo kwakanga kuri kukuru. Muti ukakura, ukasimba, kureba kwawo kukasvika kudenga, uye wakanga uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose. Mashizha awo akanga akanaka, nemichero yawo yakanga iri mizhinji, zvose zvaiwanapo zvokudya; mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokudenga dzaigara mumatavi awo, uye zvipenyu zvose zvaidyapo.
“Ndikaona pane zvandakaona mumusoro mangu ndiri panhoo dzangu, ndikaona mutumwa, iye ari mutsvene, achiburuka kudenga. Akadanidzira, akati, ‘Temai muti, dimurai matavi awo, pururai mashizha awo, paradzirai michero yawo; mhuka ngadzibve pasi pawo, neshiri pamatavi awo. Asi siyai hunde nemidzi yawo muvhu, zvakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango; ngaanyoroveswe nedova rokudenga, apiwe mugove wake wouswa pamwechete nemhuka dzenyika; mwoyo wake ngaushandurwe, urege kuva womunhu, apiwe mwoyo wemhuka, nguva nomwe dzipere aripo.’ Kutonga uku kwauya nechirevo chavachengeti, chinhu ichi charehwa neshoko ravatsvene, kuti vapenyu vazive kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda, nokugadza pauri vaduku pakati pavanhu.
“Ndiko kurota kwandakaona, ini mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshaari, chindizivisa kududzirwa kwazvo, vakachenjera vose voushe hwangu zvavasingagoni kundizivisa kududzirwa kwazvo; asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako.”