Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 13:1-19

Mabasa 13:1-19 SCLB

Musangano rokuAndiyoku maiva navaporofita navadzidzisi vaiti Bhanabhasi naSimeoni ainzi Mutema kouya Rusiasi wokuSairini naManaeni (akarerwa naHerodhi mutetiraki) naSauro. Pavainamata Tenzi uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vaite basa randavasarudzira. Mushure mokutsanya nokunamata vakaisa maoko avo pavari vakavaendesa. Sokutumwa kwavakaitwa naMweya Mutsvene vakadzika kuSerusia. Vakazobva ikoko vakaenda kuSaipurasi nengarava. Pavakasvika kuSaramisi vakaparidza Shoko raMwari mumasinagogu avaJudha uye vaiva naJohani wokuvabatsira. Pavakafamba nechitsuwa ichocho chose kusvika kuPafosi, vakasvika panomumwe munhu wamashiripiti, muporofita wechiJudha wenhema ainzi Bha Jesu. Aiva naSejiusi Pauro gavhuna, munhu aiva nouchenjeri akadaidza Bhanabhasi naSauro achida kunzwa Shoko raMwari. Asi Erimasi munhu wamashiripiti uya, (izvozvi ndizvo zvinoreva zita rake) akavadzivisa achida kuti gavhuna asagamuchire chitendero. Asi Sauro anonziwo Pauro, azere naMweya Mutsvene, akanyatsomutarisisa akati, “Iwe uzere namanyepo nounyengedzi, mhandu yezvose zvakarurama, dhiabhori womunhu. Hauregi nei kuminamisa nzira dzakati twasa dzaTenzi? Chinzwa, simba roruoko rwaMwari richakurova. Uchava bofu usingagoni kuona usingaoni zuva kwenguva yakati kuti.” Pakarepo mhute nerima zvakabva zvamukwidibira. Akatsvanzvadzira achitsvaka wokumutungamirira akamubata ruoko. Gavhuna uya akatenda paakaona zvakanga zvaitika nokuti akashamiswa nechidzidziso chaTenzi. Zvino Pauro navamwe vake vakabva nechikepe kuPafosi vakasvika kuPeriga muPamufiria. Johani akavasiya akadzokera kuJerusaremu. Ivo vakapfuurira kubva kuPeriga vakasvika kuAndiyoku yokuPisidhia. Pamusi weSabata vakaenda kusinagogu vakagara pasi. Mushure mokunge bhuku romutemo navaporofita zvaverengwa vakuru vakuru veSinagogu vakatuma shoko vachiti, “Hama kana muna mazwi anokurudzira vanhu ataurei.” Naizvozvo Pauro akasimuka akaninira namaoko ake akati: “Vanhu veIsiraeri nemi munotya Mwari teererai Mwari wavanhu ava vechiIsiraeri akasarudza madzibaba edu akaita kuti vanhu ivava vave rudzi rukuru panguva yavaigara munyika yeIjipiti akavaburitsa nesimba roruoko rwake. Kwenguva inenge makore makumi mana akavaitira mwoyo murefu murenje. Paakaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani akavapa nyika yavo kuti ive nhaka yavo

Verenga chikamu Mabasa 13