Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 13:1-19

Mabasa 13:1-19 SNA2002

Zvino pakereke yapaAndioki paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bhanabhasi naSimeoni, ainzi Nigeri, naRukio weKurene, naManaeni akanga arerwa pamwechete naHerodhi mubati, naSauro. Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.” Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo, ndokuvaendesa. Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo, vakenda Saipurasi nechikepe. Vachisvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vana Johaniwo, aiva mubatsiri wavo. Vakati vagura chivi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, aiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi BhariJesu. Aigara pamubati wenyika, ainzi Segio Pauro, munhu akachenjera. Iye ndokudana Bhanabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari. Asi n'anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda. Asi Sauro (ndiye Paurowo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati, “Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhori, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe? Zvino, tarira, ruoko rwaIshe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingaoni zuva.” Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruoko. Zvino mubati akati achiona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaIshe. Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Pega muPamufiria; Johani akabva kwavari, ndokudzokera Jerusaremu. Asi ivo vakabva Pega, vakasvika Andioki paPisidhia; vakapinda musinagoge nezuva reSabata, ndokugara pasi. Zvino murayiro navaporofita zvakati zvarawa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti, “Varume, hama, kana mune shoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.” Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruoko, akati, “Varume vaIsiraeri, nemi munotya Mwari, teererai, Mwari wavanhu ava vaIsiraeri akatsanangura madzibaba edu, akaudza vanhu ava, vachiti vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruoko rune simba, akava nomwoyo murefu nemitoo yavo murenje makore anenge makumi mana, akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu.

Verenga chikamu Mabasa 13