Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 13:1-19

Mabasa 13:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Musangano rokuAndiyoku maiva navaporofita navadzidzisi vaiti Bhanabhasi naSimeoni ainzi Mutema kouya Rusiasi wokuSairini naManaeni (akarerwa naHerodhi mutetiraki) naSauro. Pavainamata Tenzi uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vaite basa randavasarudzira. Mushure mokutsanya nokunamata vakaisa maoko avo pavari vakavaendesa. Sokutumwa kwavakaitwa naMweya Mutsvene vakadzika kuSerusia. Vakazobva ikoko vakaenda kuSaipurasi nengarava. Pavakasvika kuSaramisi vakaparidza Shoko raMwari mumasinagogu avaJudha uye vaiva naJohani wokuvabatsira. Pavakafamba nechitsuwa ichocho chose kusvika kuPafosi, vakasvika panomumwe munhu wamashiripiti, muporofita wechiJudha wenhema ainzi Bha Jesu. Aiva naSejiusi Pauro gavhuna, munhu aiva nouchenjeri akadaidza Bhanabhasi naSauro achida kunzwa Shoko raMwari. Asi Erimasi munhu wamashiripiti uya, (izvozvi ndizvo zvinoreva zita rake) akavadzivisa achida kuti gavhuna asagamuchire chitendero. Asi Sauro anonziwo Pauro, azere naMweya Mutsvene, akanyatsomutarisisa akati, “Iwe uzere namanyepo nounyengedzi, mhandu yezvose zvakarurama, dhiabhori womunhu. Hauregi nei kuminamisa nzira dzakati twasa dzaTenzi? Chinzwa, simba roruoko rwaMwari richakurova. Uchava bofu usingagoni kuona usingaoni zuva kwenguva yakati kuti.” Pakarepo mhute nerima zvakabva zvamukwidibira. Akatsvanzvadzira achitsvaka wokumutungamirira akamubata ruoko. Gavhuna uya akatenda paakaona zvakanga zvaitika nokuti akashamiswa nechidzidziso chaTenzi. Zvino Pauro navamwe vake vakabva nechikepe kuPafosi vakasvika kuPeriga muPamufiria. Johani akavasiya akadzokera kuJerusaremu. Ivo vakapfuurira kubva kuPeriga vakasvika kuAndiyoku yokuPisidhia. Pamusi weSabata vakaenda kusinagogu vakagara pasi. Mushure mokunge bhuku romutemo navaporofita zvaverengwa vakuru vakuru veSinagogu vakatuma shoko vachiti, “Hama kana muna mazwi anokurudzira vanhu ataurei.” Naizvozvo Pauro akasimuka akaninira namaoko ake akati: “Vanhu veIsiraeri nemi munotya Mwari teererai Mwari wavanhu ava vechiIsiraeri akasarudza madzibaba edu akaita kuti vanhu ivava vave rudzi rukuru panguva yavaigara munyika yeIjipiti akavaburitsa nesimba roruoko rwake. Kwenguva inenge makore makumi mana akavaitira mwoyo murefu murenje. Paakaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani akavapa nyika yavo kuti ive nhaka yavo

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 13

Mabasa 13:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro. Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.” Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma. Ava vaviri vakati vatumwa naMweya Mutsvene parwendo rwavo, vakaburuka vakaenda kuSerusia, vakazobvako vakakwira chikepe ndokuenda kuSaipurasi. Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira. Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe nʼanga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu, akanga ari muchengeti womubati wenyika ainzi Segio Paurusi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari. Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda. Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati, “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe? Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.” Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira. Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe. Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema. Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara pasi. Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.” Ipapo Pauro akasimuka, akaninira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vedzimwe ndudzi vanonamata Mwari, nditeererei! Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru, akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga, akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 13

Mabasa 13:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino pakereke yapaAndioki paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bhanabhasi naSimeoni, ainzi Nigeri, naRukio weKurene, naManaeni akanga arerwa pamwechete naHerodhi mubati, naSauro. Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.” Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo, ndokuvaendesa. Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo, vakenda Saipurasi nechikepe. Vachisvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vana Johaniwo, aiva mubatsiri wavo. Vakati vagura chivi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, aiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi BhariJesu. Aigara pamubati wenyika, ainzi Segio Pauro, munhu akachenjera. Iye ndokudana Bhanabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari. Asi n'anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda. Asi Sauro (ndiye Paurowo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati, “Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhori, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe? Zvino, tarira, ruoko rwaIshe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingaoni zuva.” Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruoko. Zvino mubati akati achiona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaIshe. Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Pega muPamufiria; Johani akabva kwavari, ndokudzokera Jerusaremu. Asi ivo vakabva Pega, vakasvika Andioki paPisidhia; vakapinda musinagoge nezuva reSabata, ndokugara pasi. Zvino murayiro navaporofita zvakati zvarawa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti, “Varume, hama, kana mune shoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.” Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruoko, akati, “Varume vaIsiraeri, nemi munotya Mwari, teererai, Mwari wavanhu ava vaIsiraeri akatsanangura madzibaba edu, akaudza vanhu ava, vachiti vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruoko rune simba, akava nomwoyo murefu nemitoo yavo murenje makore anenge makumi mana, akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 13

Mabasa 13:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Musangano rokuAndiyoku maiva navaporofita navadzidzisi vaiti Bhanabhasi naSimeoni ainzi Mutema kouya Rusiasi wokuSairini naManaeni (akarerwa naHerodhi mutetiraki) naSauro. Pavainamata Tenzi uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vaite basa randavasarudzira. Mushure mokutsanya nokunamata vakaisa maoko avo pavari vakavaendesa. Sokutumwa kwavakaitwa naMweya Mutsvene vakadzika kuSerusia. Vakazobva ikoko vakaenda kuSaipurasi nengarava. Pavakasvika kuSaramisi vakaparidza Shoko raMwari mumasinagogu avaJudha uye vaiva naJohani wokuvabatsira. Pavakafamba nechitsuwa ichocho chose kusvika kuPafosi, vakasvika panomumwe munhu wamashiripiti, muporofita wechiJudha wenhema ainzi Bha Jesu. Aiva naSejiusi Pauro gavhuna, munhu aiva nouchenjeri akadaidza Bhanabhasi naSauro achida kunzwa Shoko raMwari. Asi Erimasi munhu wamashiripiti uya, (izvozvi ndizvo zvinoreva zita rake) akavadzivisa achida kuti gavhuna asagamuchire chitendero. Asi Sauro anonziwo Pauro, azere naMweya Mutsvene, akanyatsomutarisisa akati, “Iwe uzere namanyepo nounyengedzi, mhandu yezvose zvakarurama, dhiabhori womunhu. Hauregi nei kuminamisa nzira dzakati twasa dzaTenzi? Chinzwa, simba roruoko rwaMwari richakurova. Uchava bofu usingagoni kuona usingaoni zuva kwenguva yakati kuti.” Pakarepo mhute nerima zvakabva zvamukwidibira. Akatsvanzvadzira achitsvaka wokumutungamirira akamubata ruoko. Gavhuna uya akatenda paakaona zvakanga zvaitika nokuti akashamiswa nechidzidziso chaTenzi. Zvino Pauro navamwe vake vakabva nechikepe kuPafosi vakasvika kuPeriga muPamufiria. Johani akavasiya akadzokera kuJerusaremu. Ivo vakapfuurira kubva kuPeriga vakasvika kuAndiyoku yokuPisidhia. Pamusi weSabata vakaenda kusinagogu vakagara pasi. Mushure mokunge bhuku romutemo navaporofita zvaverengwa vakuru vakuru veSinagogu vakatuma shoko vachiti, “Hama kana muna mazwi anokurudzira vanhu ataurei.” Naizvozvo Pauro akasimuka akaninira namaoko ake akati: “Vanhu veIsiraeri nemi munotya Mwari teererai Mwari wavanhu ava vechiIsiraeri akasarudza madzibaba edu akaita kuti vanhu ivava vave rudzi rukuru panguva yavaigara munyika yeIjipiti akavaburitsa nesimba roruoko rwake. Kwenguva inenge makore makumi mana akavaitira mwoyo murefu murenje. Paakaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani akavapa nyika yavo kuti ive nhaka yavo

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 13

Mabasa 13:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino pakereke yapaAntiokia paiʋa naʋaprofita naʋadzidzisi, ʋaiti: Barnabasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakaŋga arerwa pamŋe cete naHerode muɓati, naSauro. Ʋakati ʋacishumira Ishe, nokuɀinyima ɀokudya, Mŋeya Mutȿene akati: Nditsaurirei Barnabasi naSauro kuɓate‐ɓasa randakaʋaɗanira. Ipapo ʋakaɀinyima ɀokudya, ʋakanyeŋgetera, ʋakaisa maʋoko pamsoro paʋo, ndokuʋaendisa. Naiɀoɀo ʋakati ʋatumŋa noMŋeya Mutȿene, ʋakaɓurukira Serukia; ʋakabva’po, ʋakaenda Kupro necikepe. Ʋaciȿika paSarami, ʋakaparidza shoko raMŋari mumasinagoge aʋaJuda. Ʋakaŋga ʋanaJohane ʋo, waiʋa muɓatsiri waʋo. Ʋakati ʋagura ciwi cose kuȿikira paPafosi, ʋakawana imŋe ŋaŋga, waiʋa muprofita wenhema, muJuda, zita rake rainzi Bari‐Jesu. Waigara pamuɓati wenyika, wainzi Sergio Pauro, munhu wakacenjera. Iye ndokuɗana Barnabasi naSauro, acitȿaka kunzwa shoko raMŋari. Asi ŋaŋga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana ricishandurwa), akaʋadziʋisa, acitȿaka kutsausa muɓati pakutenda. Asi Sauro (ndiye Pauro ʋo), azere noMŋeya Mutȿene, akamutarisisa, akati: Iwe, uzere nokunyeŋgera kwose namano akaipa ose, mŋanakomana waDiaborosi, muʋeŋgi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe? Ɀino, tarira, ruʋoko rwaShe ruri pamsoro pako; ucaʋa ɓofu, ucaita ŋguʋa usiŋgaʋoni zuʋa. Pakarepo mhute nerima ɀikamuwira; akapota‐pota, acitȿaka ʋaŋgamusesedza noruʋoko. Ɀino muɓati wakati aciʋona ɀaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaShe. Ɀino Pauro naʋaiʋa naye, ʋakabva Pafosi, ndokuȿika Perga muPamfiria; Johane akabva kwaʋari, ndokudzokera Jerusarema. Asi iʋo ʋakabva Perga, ʋakaȿika Antiokia paPisidia; ʋakapinda musinagoge nezuʋa resaɓata, ndokugara pasi. Ɀino murairo naʋaprofita ɀakati ɀarabga, ʋaɓati ʋesinagoge ʋakatuma shoko kwaʋari, ʋaciti: Ʋarume, hama, kana muneshoko rokuʋaraidza ʋanhu, taurai henyu. Ipapo Pauro akasimuka, akaʋaninira noruʋoko, akati: Ʋarume ʋaIsraeri, nemi munotya Mŋari, tererai: Mŋari waʋanhu aʋa ʋaIsraeri wakasanaŋgura madziɓaɓa eɗu, akakudza ʋanhu aʋa, ʋaciri ʋatorwa munyika yeEgipita; akaʋaɓuɗisa mairi noruʋoko runesimba, akaʋa nomŋoyo murefu nemitoʋo yaʋo murenje makore aneŋge makumi manna, akaparadza marudzi manomŋe munyika yeKanani, akaʋagoʋera nyika yaʋo nemijenya, iʋe nhaka yaʋo makore aneŋge mazana manna namakumi mashanu.