Ɀino pakereke yapaAntiokia paiʋa naʋaprofita naʋadzidzisi, ʋaiti: Barnabasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakaŋga arerwa pamŋe cete naHerode muɓati, naSauro. Ʋakati ʋacishumira Ishe, nokuɀinyima ɀokudya, Mŋeya Mutȿene akati: Nditsaurirei Barnabasi naSauro kuɓate‐ɓasa randakaʋaɗanira. Ipapo ʋakaɀinyima ɀokudya, ʋakanyeŋgetera, ʋakaisa maʋoko pamsoro paʋo, ndokuʋaendisa.
Naiɀoɀo ʋakati ʋatumŋa noMŋeya Mutȿene, ʋakaɓurukira Serukia; ʋakabva’po, ʋakaenda Kupro necikepe. Ʋaciȿika paSarami, ʋakaparidza shoko raMŋari mumasinagoge aʋaJuda. Ʋakaŋga ʋanaJohane ʋo, waiʋa muɓatsiri waʋo. Ʋakati ʋagura ciwi cose kuȿikira paPafosi, ʋakawana imŋe ŋaŋga, waiʋa muprofita wenhema, muJuda, zita rake rainzi Bari‐Jesu. Waigara pamuɓati wenyika, wainzi Sergio Pauro, munhu wakacenjera. Iye ndokuɗana Barnabasi naSauro, acitȿaka kunzwa shoko raMŋari. Asi ŋaŋga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana ricishandurwa), akaʋadziʋisa, acitȿaka kutsausa muɓati pakutenda. Asi Sauro (ndiye Pauro ʋo), azere noMŋeya Mutȿene, akamutarisisa, akati: Iwe, uzere nokunyeŋgera kwose namano akaipa ose, mŋanakomana waDiaborosi, muʋeŋgi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe? Ɀino, tarira, ruʋoko rwaShe ruri pamsoro pako; ucaʋa ɓofu, ucaita ŋguʋa usiŋgaʋoni zuʋa. Pakarepo mhute nerima ɀikamuwira; akapota‐pota, acitȿaka ʋaŋgamusesedza noruʋoko. Ɀino muɓati wakati aciʋona ɀaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaShe.
Ɀino Pauro naʋaiʋa naye, ʋakabva Pafosi, ndokuȿika Perga muPamfiria; Johane akabva kwaʋari, ndokudzokera Jerusarema. Asi iʋo ʋakabva Perga, ʋakaȿika Antiokia paPisidia; ʋakapinda musinagoge nezuʋa resaɓata, ndokugara pasi. Ɀino murairo naʋaprofita ɀakati ɀarabga, ʋaɓati ʋesinagoge ʋakatuma shoko kwaʋari, ʋaciti: Ʋarume, hama, kana muneshoko rokuʋaraidza ʋanhu, taurai henyu. Ipapo Pauro akasimuka, akaʋaninira noruʋoko, akati:
Ʋarume ʋaIsraeri, nemi munotya Mŋari, tererai: Mŋari waʋanhu aʋa ʋaIsraeri wakasanaŋgura madziɓaɓa eɗu, akakudza ʋanhu aʋa, ʋaciri ʋatorwa munyika yeEgipita; akaʋaɓuɗisa mairi noruʋoko runesimba, akaʋa nomŋoyo murefu nemitoʋo yaʋo murenje makore aneŋge makumi manna, akaparadza marudzi manomŋe munyika yeKanani, akaʋagoʋera nyika yaʋo nemijenya, iʋe nhaka yaʋo makore aneŋge mazana manna namakumi mashanu.